Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 4:6-7 - Compare All Versions

1 VaKorinde 4:6-7 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Zvino, hama dzangu, ndakaita zvinhu izvi kuupenyu hwangu uye nokuna Aporosi nokuda kwenyu, kuitira kuti mudzidze kubva kwatiri zvinoreva chirevo chokuti, “Usaita zvinopfuura zvakanyorwa.” Ipapo hamungazvikudzi pamusoro pomumwe munhu muchimuenzanisa nomumwe. Nokuti ndianiko akakutsaura iwe kubva kuno mumwe? Chiiko chaunacho chausina kupiwa? Zvino kana wakapiwa, seiko uchizvikudza sousina kupiwa?

Pakurirana nevamwe
1 VaKorinde 4 BDSC

1 VaKorinde 4:6-7 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino, hama dzangu, zvinhu izvi ndakanyora ndichizvifananidzira ini naAporo, nokuda kwenyu; kuti mudzidze kwatiri kusapfuura izvo zvakanyorwa, kuti, “Mumwe arege kuzvikudza, achitsaura mumwe kunomumwe.” Nokuti ndianiko akakutsaura iwe? Chinyiko chaunacho chausina kupiwa? Zvino kana wakapiwa, unozvikudzireiko sousina kupiwa?

Pakurirana nevamwe
1 VaKorinde 4 SNA2002

1 VaKorinde 4:6-7 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino, hama dzaŋgu, ɀinhu iɀi ndakanyora ndiciɀifananidzira ini naAporo, nokuɗa kwenyu; kuti mudzidze kwatiri kusapfuʋura iɀo ɀakanyorwa, kuti mumŋe arege kuɀikudza. acitsaura mumŋe kunomumŋe. Nokuti ndianiko wakakutsaura iwe? Cinyiko caunaco causina‐kupiwa? Ɀino kana wakapiwa, unoɀikudzireiko sousina‐kupiwa?

Pakurirana nevamwe
1 VaKorinde 4 SUB1949

1 VaKorinde 4:6-7 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Ndichiitira kuti zvikubatsirei hama, ndazvitora ini naAporosi somuenzaniso, ndichiitira kuti imi mudzidze patiri kuti munhu ngaarege kupfuuridza pane zvakanyorwa, kuti pasave naanozvikudza nomunhu uyu kana nouyo. Nokuti akazoti uri mukuru pana vamwe ndiani? Chii chaunacho iwe chausina kutopiwa? Ko kana wakaita zvokutopiwa, unozvikudzireiko sokunge chisiri chipo?

Pakurirana nevamwe
1 VaKorinde 4 SCLB

1 VaKorinde 4:6-7 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Ndichiitira kuti zvikubatsirei hama, ndazvitora ini naAporosi somuenzaniso, ndichiitira kuti imi mudzidze patiri kuti munhu ngaarege kupfuuridza pane zvakanyorwa, kuti pasave naanozvikudza nomunhu uyu kana nouyo. Nokuti akazoti uri mukuru pana vamwe ndiani? Chii chaunacho iwe chausina kutopiwa? Ko kana wakaita zvokutopiwa, unozvikudzireiko sokunge chisiri chipo?

Pakurirana nevamwe
1 VaKorinde 4 SCLBD