1 VaKorinde 2:1-4
1 VaKorinde 2:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pandakauya kwamuri, hama, handina kuuya nokugona kutaura kana uchenjeri hwapamusoro, pandakaparidza kwamuri uchapupu hwezvaMwari. Nokuti ndakati handidi kuziva chinhu pandakanga ndiri pakati penyu, asi Jesu Kristu, uye akarovererwa pamuchinjikwa. Ndakauya kwamuri muutera nokutya uye nokudedera kukuru. Shoko rangu nokuparidza kwangu zvakanga zvisina mashoko okugombedzera nouchenjeri, asi nokuratidza kwesimba raMweya
1 VaKorinde 2:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino ini, hama dzangu, pakuuya kwangu kwamuri, handina kuuya ndichikuparidzirai uchapupu hwaMwari nokunaka kwamashoko, kana kwouchenjeri. Nokuti ndakati, handingazivi chinhu pakati penyu, asi Jesu Kristu iye akaroverwa pamuchinjikwa. Ndakanga ndiri pakati penyu noutera, nokutya, nokudedera kukuru, neshoko rangu nokuparidza kwangu hazvizaiva namashoko okugombedzera ouchenjeri; asi nokuratidza kwoMweya nokwesimba
1 VaKorinde 2:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kunyange ini pandakauya kwamuri hama dzangu, handina kuuya ndichikuparidzai chakavandika chaMwari ndichishandisa mazwi akadzama kana oungwaru hunoshamisa. Zvandaiva pakati penyu, hapana chandakada kunzi ndinoziva, kunze kwaJesu Kristu uye iye akarovererwa pamuchinjikwa. Pandaiva nemi ndakanga ndisina kusimba ndichitya ndichidedera. Shoko rangu nokuparidza kwangu zvakanga zvisiri zvokupwisa vanhu namazwi oungwaru asi kuratidza Mweya nesimba
1 VaKorinde 2:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ini, hama dzaŋgu, pakuʋuya kwaŋgu kwamuri, handina‐kuʋuya ndicikuparidzirai ʋucapupu bgaMŋari nokunaka kwamashoko, kana kwoʋucenjeri. Nokuti ndakati, handiŋgaziʋi cinhu pakati penyu, asi Jesu Kristu, iye wakaroʋerwa pamucinjikwa. Ndakaŋga ndiri pakati penyu noʋutera, nokutya, nokuɗeɗera kukuru, neshoko raŋgu nokuparidza kwaŋgu haɀizaiʋa namashoko okugombedzera oʋucenjeri; asi nokuratidza kwoMŋeya nokwesimba
1 VaKorinde 2:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)