1 VaKorinde 16:13-16
1 VaKorinde 16:13-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rindai; mirai nesimba mukutenda; ivai varume vakashinga; ivai nesimba. Itai zvinhu zvose murudo. Munoziva kuti mhuri yaStefanasi ndivo vakava vatendi vokutanga muAkaya, uye vakazvipira kushumira vatsvene. Ndinokukurudzirai hama, kuti muzviise pasi pevakadai seava nepasi pavose vanobatana nesu pabasa, uye nevanoshingaira pariri.
1 VaKorinde 16:13-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Rindai, mirai nesimba pakutenda, itai savarume, musimbiswe. Zvose zvamunoita ngazviitwe norudo. Ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, munoziva mhuri yaSitefani, kuti ndicho chibereko chokutanga paAkaya, vakazviisa kuti vashumire vatsvene. Kuti nemiwo muzviise pasi pavakadaro, napasi pavose vanotibatsira navanobata basa iri.
1 VaKorinde 16:13-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Rindirai, makasimba nacho chitendero, ivai nechivindi makagwinya. Zvose zvamunoita zviitei norudo. Ndinokukurudzirai hama dzangu, sezvamunoziva kuti mhuri yokwaStefanasi ndiyo yakatanga kupinduka muAkaya vakazvipira kushandira vanhu vaMwari kuzviisa pasi pavanhu vakadaro napasi pavavo vanobatsirana navo navashandi.
1 VaKorinde 16:13-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Rindai, mirai nesimba pakutenda, itai saʋarume, musimbiswe. Ɀose ɀamunoita ŋgaɀiitwe noruɗo. Ndinokumbira ɀikuru kwamuri, hama dzaŋgu, — munoziʋa mhuri yaStefana, kuti ndico ciɓereko cokutaŋga paAkaya, ʋakaɀiisa kuti ʋashumire ʋatȿene — Kuti nemi ʋo muɀiise pasi paʋakaɗaro, napasi paʋose ʋanotiɓatsira naʋanoɓata.
1 VaKorinde 16:13-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)