1 VaKorinde 15:54-57
1 VaKorinde 15:54-57 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kana chinoparara chikafuka kusaparara, uye chinofa chikafuka kusafa, ipapo tsumo yakanyorwa ichazadziswa yokuti: “Rufu rwakamedzwa nokukunda.” “Kuripiko kukunda kwako iwe rufu? Rwuripiko rumborera rwako, iwe rufu?” Rumborera rwerufu ndicho chivi, uye simba rechivi ndiwo murayiro. Asi Mwari ngaavongwe! Anotipa kukunda kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu.
1 VaKorinde 15:54-57 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino kana ichi chinoora chafuka kusaora, nechichi chinofa chafuka kusafa, ipapo shoko rakanyorwa richaitika, rinoti, “Rufu rwakamedzwa nokukunda.” “Iwe rufu, kukunda kwako kuripiko? Iwe rufu, rumborera rwako ruripiko?” Rumborera rworufu ndizvo zvivi; nesimba rezvivi ndiwo murayiro. Zvino Mwari ngaavongwe, uyo anotipa kukunda naIshe wedu, Jesu Kristu.
1 VaKorinde 15:54-57 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kana muviri unoora wapfeka kusaora uye muviri unofa wapfeka kusafa ndipo pachazoitika zviya zvakanyorwa zvinoti; Rufu rwakamedzwa nokukurirwa kwarwakaitwa Nhai rufu kukurira kwako kuripi? Iwe rufu rumborera rwako ruripi? Rumborera rwerufu chitadzo. Simbawo rechitadzo mutemo. Mwari ngaatendwe anoita kuti tikunde nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu.
1 VaKorinde 15:54-57 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kana ici cinoʋora cafuka kusaʋora, necici cinofa cafuka kusafa, ipapo shoko rakanyorwa ricaitika, rinoti: Rufu rwakamedzwa nokukunda. Iwe rufu, kukunda kwako kuripiko? Iwe rufu, rumborera rwako ruripiko? Rumborera rworufu ndiɀo ɀiʋi; nesimba reɀiʋi ndiwo murairo. Ɀino Mŋari ŋgaaʋoŋgwe, uyo unotipa kukunda naShe weɗu, Jesu Kristu.
1 VaKorinde 15:54-57 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)