1 VaKorinde 15:42-54
1 VaKorinde 15:42-54 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndizvo zvazvichazova pakumuka kwavakafa. Muviri unodyarwa uri unoparara, unomutswa usisaparari; unodyarwa pakuzvidzwa, unomutswa mukubwinya; unodyarwa muutera, unomutswa musimba; unodyarwa uri muviri wenyama, unomutswa uri muviri womweya. Kana kune muviri wenyama, kune muviri womweyawo. Naizvozvo kwakanyorwa kuchinzi: “Munhu wokutanga, Adhamu, akava munhu mupenyu;” Adhamu wokupedzisira akava mweya unopa upenyu. Mweya hauna kuuya pakutanga, asi nyama, uye mushure mezvo mweya. Munhu wokutanga akanga ari guruva renyika, munhu wechipiri akanga achibva kudenga. Sezvakanga zvakaita munhu wapanyika, ndizvowo zvakaita vaya vari venyika; uyewo sezvakaita munhu akabva kudenga, ndizvo zvakaitawo vaya vari vokudenga. Uye sezvatakanga tine mufananidzo womunhu wapanyika, saizvozvowo tichava nomufananidzo womunhu akabva kudenga. Zvino, hama, ndinoti kwamuri nyama neropa hazvingagari nhaka youmambo hwaMwari, uye zvinoparara hazvingagari nhaka yezvisingaparari. Teererai, ndinokutaurirai chakavanzika: Hatingafi tose, asi tose tichashandurwa, pakarepo, sokubwaira kweziso, pahwamanda yokupedzisira. Nokuti hwamanda icharira, vakafa vachamutswa mukusaparara, uye tichashandurwa. Nokuti chinoparara chinofanira kufuka kusaparara, uye chinofa chinofanira kufuka kusafa. Kana chinoparara chikafuka kusaparara, uye chinofa chikafuka kusafa, ipapo tsumo yakanyorwa ichazadziswa yokuti: “Rufu rwakamedzwa nokukunda.”
1 VaKorinde 15:42-54 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndizvo zvakaitawo kumuka kwavakafa. Muviri unodyarwa pakuora; unomutswa pakusaora; unodyarwa pakuzvidzwa, unomutswa pakubwinya; unodyarwa pautera, unomutswa pasimba. Unodyarwa uri muviri wokuberekwa, unomutswa uri muviri womweya. Muviri wokuberekwa uripo, nomuviri womweya uripo. Zvakanyorwawo saizvozvo, zvichinzi, “Munhu wokutanga, Adhamu, akaitwa munhu mupenyu;” Adhamu wokupedzisira akaitwa mweya, unopa upenyu. Asi zvomweya hazvizi zvokutanga, asi zvokuberekwa; tevere zvomweya kudenga. Munhu wokutanga ndowenyika, wevhu; munhu wechipiri akabva kudenga. Saiye wevhu, ndizvo zvakaitawo avo vevhu; saiye wokudenga, ndizvo zvakaitawo ivo vokudenga. Uye, sezvatakanga tinomufananidzo womunhu wevhu, tichavawo nomufananidzo waiye wokudenga. Zvino, hama dzangu, ndinoreva ndichiti, nyama neropa hazvingagari nhaka youshe hwaMwari; nokuora hakungagari nhaka yokusaora. Tarirai, ndinokuudzai chakavanzika, Hatingavati tose, asi tichashandurwa tose; pakarepo, nokubwaira kweziso, nehwamanda yokupedzisira; nokuti hwamanda icharira, ipapo vakafa vachamutswa nokusaora; nesu tichashandurwa; nokuti ichi chinoora chinofanira kufuka kusafa. Zvino kana ichi chinoora chafuka kusaora, nechichi chinofa chafuka kusafa, ipapo shoko rakanyorwa richaitika, rinoti, “Rufu rwakamedzwa nokukunda.”
1 VaKorinde 15:42-54 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndizvo zvimwechetezvo nokumuka kwavakafa. Chinodyarwa chinoparara asi chinomutswa hachiparari. Chinodyarwa mukuzvidzwa asi chichimutswa chava kupenya; chinodyarwa muutera asi chichimutswa chava nesimba. Chinodyarwa somuviri unobatika asi chinomutswa chava muviri womweya. Zvino kana pano muviri unobatika kuno muviriwo womweya. Ndizvo zvakanyorwa zvichinzi munhu wokutanga, Adhamu akava chinhu chipenyu; Adhamu wokupedzisa akava mweya unopa upenyu. Asi hausi womweya unotanga asi unobatika kozoteverwa nowomweya. Munhu wokutanga akabva kuvhu, munhu wevhu. Munhu wechipiri anobva kudenga. Vanhu vehuruva vakafanana nomunhu uya wevhu, saizvozvowo vanhu vokudenga vakafanana nomunhu wokudenga. Sokutodzana kwatakaita nomunhu wehuruva tichatodzanawo noMunhu wokudenga. Ndinokutaurirai izvi, hama dzangu, zvokuti, chakaitwa nenyama neropa hachikwanisi kuwana umambo hwaMwari uye chinofa hachigoni kuwana kusafa. Chinzwai ndava kukutaurirai, chinhu chakavandika chisingatsananguriki chokuti, hatisi kuzofa tose asi tose tichasandurwa, nenguva isipi, nokubwaira kweziso chaiko pakurira kwehwamanda yokupedzisira. Hwamanda icharira, vakafa vachamutswa vasisafi, isu tobva tasandurwa; nokuti muviri unofa uyu unofanira kupfeka kusaora uye muviri uyu unofa unofanira kupfeka kusafa. Kana muviri unoora wapfeka kusaora uye muviri unofa wapfeka kusafa ndipo pachazoitika zviya zvakanyorwa zvinoti
1 VaKorinde 15:42-54 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndiɀo ɀakaita ʋo kumuka kwaʋakafa. Muʋiri unodɀarwa pakuʋora; unomutswa pakusaʋora; unodɀarwa pakuɀidzwa, unomutswa pakubginya; unodɀarwa paʋutera, unomutswa pasimba. Unodɀarwa uri muʋiri wokuɓerekwa, unomutswa uri muʋiri womŋeya. Muʋiri wokuɓerekwa uri’po, nomuʋiri womŋeya uri’po. Ɀakanyorwa ʋo saiɀoɀo, ɀicinzi: Munhu wokutaŋga, Adama, wakaitwa munhu mupenyu; Adama wokupedzisira wakaitwa mŋeya, unopa ʋupenyu. Asi ɀomŋeya haɀizi ɀokutaŋga, asi ɀokuɓerekwa; teʋere ɀomŋeya. Munhu wokutaŋga ndowenyika, wevu; munhu wecipiri wakabva kuɗeŋga. Saiye wevu, ndiɀo ɀakaita ʋo aʋo ʋevu; saiye wokuɗeŋga, ndiɀo ɀakaita ʋo iʋo ʋokuɗeŋga. Ʋuye, seɀatakaŋga tinomufananidzo womunhu wevu, ticaʋa ʋo nomufananidzo waiye wokuɗeŋga. Ɀino, hama dzaŋgu, ndinoreʋa ndiciti, nyama neropa haɀiŋgagari nhaka yoʋushe bgaMŋari; nokuʋora hakuŋgagari nhaka yokusaʋora. Tarirai, ndinokuʋudzai cakaʋanzika: Hatiŋgaʋati tose, asi ticashandurwa tose; pakarepo, nokubgairo kweziso, nehwamanda yokupedzisira; nokuti hwamanda icarira, ipapo ʋakafa ʋacamutswa nokusaʋora; nesu ticashandurwa; nokuti ici cinoʋora cinofanira kufuka kusaʋora; necici cinofa cinofanira kufuka kusafa. Ɀino kana ici cinoʋora cafuka kusaʋora, necici cinofa cafuka kusafa, ipapo shoko rakanyorwa ricaitika, rinoti: Rufu rwakamedzwa nokukunda.
1 VaKorinde 15:42-54 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)