1 VaKorinde 15:3-5
1 VaKorinde 15:3-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti zvandakagamuchira sezvinokosha pakutanga ndizvo zvandakakupaiwo: kuti Kristu akafira zvivi zvedu sezvazvakanyorwa muMagwaro, kuti akavigwa, akamutswa pazuva rechitatu sezvazvakanyorwa muMagwaro, uye kuti akazviratidza kuna Petro, tevere kuna vane gumi navaviri.
1 VaKorinde 15:3-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti pakutanga ndakakupai izvo zvandakagamuchirawo, kuti Kristu akafira zvivi zvedu, sezvakanyorwa muMagwaro; uye kuti akavigwa, akamutswa nezuva retatu, sezvakanyorwa muMagwaro; akazviratidza kuna Kefasi, ipapo kuna gane gumi navaviri
1 VaKorinde 15:3-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndakakugamuchidzai sechinhu chikuru kwazvo chokutanga chandakanga ndakagamuchirawo chokuti Kristu akafira zvitadzo zvedu sokutaura kunoita Magwaro Matsvene, uye kuti akavigwa akamutswa nezuva retatu sokutaura kwamagwaro matsvene, uye kuti akazviratidza kuna Kefasi ndokuzozviratidzawo kuna vane gumi navairi.
1 VaKorinde 15:3-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti pakutaŋga ndakakupai iɀo ɀandakagamucira ʋo, kuti Kristu wakafira ɀiʋi ɀeɗu, seɀakanyorwa paMagwaro; ʋuye kuti wakaʋigwa, akamutswa nezuʋa retatu, seɀakanyorwa paMagwaro; akaɀiratidza kunaKefasi, ipapo kunaʋanegumi naʋaʋiri
1 VaKorinde 15:3-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)