1 VaKorinde 15:24-26
1 VaKorinde 15:24-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo magumo achasvika, panguva yaachazopa umambo kuna Mwari Baba mushure mokunge aparadza ushe hwose, ukuru hwose nesimba rose. Nokuti anofanira kubata ushe kusvikira aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake. Muvengi wokupedzisira achaparadzwa ndirwo rufu.
1 VaKorinde 15:24-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo kuguma kunosvika, panguva yaachazopa Mwari, Baba, ushe, panguva yaachaparadza kubata kwose, noushe hwose, nesimba. Nokuti anofanira kubata ushe, kusvikira aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake. Muvengi wokupedzisira, achaparadzwa, ndirwo rufu.
1 VaKorinde 15:24-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndipo panozouya magumo panenge Kristu oturira umambo kuna Mwari Baba apedza kuparadza mweya mikuru mikuru youshe neyoukuru neyavanamasimba. Nokuti Kristu anofanira kutonga kusvikira Mwari aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake. Muvengi wokupedzisa anofanira kuparadzwa, rufu.
1 VaKorinde 15:24-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo kuguma kunoȿika, paŋguʋa yaacazopa Mŋari, Ƃaɓa, ʋushe, paŋguʋa yaacaparadza kuɓata kwose, noʋushe bgose, nesimba. Nokuti unofanira kuɓata ʋushe, kuȿikira aisa ʋaʋeŋgi ʋake ʋose pasi petsoka dzake. Muʋeŋgi wokupedzisira, ucaparadzwa, ndirworufu.
1 VaKorinde 15:24-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)