1 VaKorinde 14:27-28
1 VaKorinde 14:27-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kana mumwe achitaura nendimi, vaviri, kana vatowanda, vatatu, ngavataure mumwe mushure momumwe, uye mumwe ngaadudzire. Kana pasina anodudzira, ari kutaura ngaanyarare mukereke uye ngaazvitaurire pachake uye nokuna Mwari.
1 VaKorinde 14:27-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kana mumwe achitaura norurimi, ngazviitwe navaviri, kana varege kupfuura vatatu, vachiravana; nomumwe ngaadudzire. Asi kana pasina anodudzira, ngaanyarare mukereke; ngaazvitaurire iye, nokuna Mwari.
1 VaKorinde 14:27-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kana pane vanotaura nendimi dzisingazivikanwi, ngavave vaviri chete kana kuti vatatu vachiravana. Kana vatowandisa ngavave vatatu, uye vachipana nguva, mumwe achiturikira. Kana pasina anoturikira, vose ngavanyarare musangano, munhu achizvitaurira iye pachake uye achitaura kuna Mwari.
1 VaKorinde 14:27-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kana mumŋe acitaura norurimi, ŋgaɀiitwe naʋaʋiri, kana ʋarege kupfuʋura ʋatatu, ʋaciraʋana; nomumŋe ŋgaaɗudzire. Asi kana pasina‐unoɗudzira, ŋgaanyarare mukereke; ŋgaaɀitaurire iye, nokunaMŋari.
1 VaKorinde 14:27-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)