1 VaKorinde 12:27-28
1 VaKorinde 12:27-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino imi muri muviri waKristu, uye mumwe nomumwe wenyu mutezo wawo. Uye mukereke, Mwari akagadza pakutanga vapostori, vechipiri vaprofita, vechitatu vadzidzisi, tevere vaiti vezvishamiso, uye navane zvipo zvokuporesa, navanobatsira vamwe, vaya vane zvipo zvokufambisa basa, uye navaya vanotaura nendimi dzakasiyana-siyana.
1 VaKorinde 12:27-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino, imi muri muviri waKristu, nomumwe nomumwe mitezo yawo. Mwari akaisa vamwe pakereke, pakutanga vapostori, vechipiri vaporofita, vechitatu vadzidzisi, tevere vaiti vamabasa esimba, tevere zvipo zvokuporesa, navabatsiri, navabati, namarudzi mazhinji endimi.
1 VaKorinde 12:27-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino imi ndimi muviri waKristu uye mumwe nomumwe wenyu mutezo womuviri iwoyo. Mwari akapa vanhu mabasa musangano sezvizvi, vokutanga vapositori, vechipiri vaporofita, vetatu vadzidzisi kouya vaiti vezvishamiso koti varapi kozoti vabatsiri navafambisi vamabasa navatauri vendimi dzakasiyana–siyana.
1 VaKorinde 12:27-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino, imi muri muʋiri waKristu, nomumŋe nomumŋe mitezo yawo. Mŋari wakaisa ʋamŋe pakereke, pakutaŋga ʋaapostora, rwecipiri ʋaprofita, rwecitatu ʋadzidzisi, teʋere ʋaiti ʋamaɓasa esimba, teʋere ɀipo ɀokuporesa, naʋaɓatsiri, naʋaɓati, namarudzi mazhinji endimi.
1 VaKorinde 12:27-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)