1 VaKorinde 10:13-14
1 VaKorinde 10:13-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Hakuna muedzo wakakuwirai imi, kunze kwaiwo unowira munhu wose. Uye Mwari akatendeka, haangatenderi kuti muedzwe kupfuura pamunogona napo. Asi kana muchiedzwa, iye achakupai nzira yokubuda nayo kuti mugone kutsunga pairi. Naizvozvo, shamwari dzangu dzinodikanwa, tizai kunamata zvifananidzo.
1 VaKorinde 10:13-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Hakuna muedzo wakakubatai imi, asi wavanhu vose; asi Mwari, akatendeka, haangatenderi kuti muedzwe kupfuura pamunogona napo; asi pamwechete nomuedzo, iye achakupaiwo nzira yokubuda nayo, muve nesimba rokutsunga. Naizvozvo, vadikanwi vangu, tizai kunamata zvifananidzo.
1 VaKorinde 10:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hamuna kumbova nechiedzo chisina kumbowira vamwe. Mwari akatendeka. Haakuregei muchiedzwa zvinopfuura simba renyu. Pamwe nechiedzo anopawo nzira yokupukunyuka nayo kuti ukwanise kuchirwisa. Naizvozvo, hama dzangu, siyanai nokunamata vamwari vasivo.
1 VaKorinde 10:13-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Hakunomuidzo wakakuɓatai imi, asi waʋanhu ʋose; asi Mŋari, wakatendeka, haaŋgatenderi kuti muidzwe kupfuʋura pamunogona napo; asi pamŋe cete nomuidzo, iye ucakupai ʋo nzira yokuɓuɗa nayo, muʋe nesimba rokutsuŋga. Naiɀoɀo, ʋaɗikanwa ʋaŋgu, tizai kunamata ɀifananidzo.
1 VaKorinde 10:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Hamuna kumbova nechiedzo chisina kumbowira vamwe. Mwari akatendeka. Haakuregei muchiedzwa zvinopfuura simba renyu. Pamwe nechiedzo anopawo nzira yokupukunyuka nayo kuti ukwanise kuchirwisa. Naizvozvo, hama dzangu, siyanai nokunamata vamwari vasivo.