1 Makoronike 12:18
1 Makoronike 12:18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Mweya wakauya pana Amasi mukuru waMakumi Matatu akati, “Haiwa Dhavhidhi, tiri vako! Haiwa mwanakomana waJese, tinewe! Kubudirira, kubudirira ngakuve kwauri, uye kubudirira ngakuve kuna vanokubatsira nokuti Mwari wako achakubatsira.” Saka Dhavhidhi akavagamuchira akavaita vatungamiri veboka ravarwi vake.
1 Makoronike 12:18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo mweya wakauya pamusuro paAmasai aiva mukuru wavana makumi matatu, akati, “Tiri vanhu venyu, Dhavhidhi, tiri kurutivi rwenyu, mwanakomana waJese! Rugare, rugare ngaruve nemi, rugare ngaruve navabatsiri venyu; nokuti Mwari wenyu anokubatsirai.” Ipapo Dhavhidhi akavagamuchira, akavaita vakuru veboka.
1 Makoronike 12:18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ipapo Mweya wakaputira Amasai mutungamiriri wamakumi matatu avanhu aya iye ndokuti, “Tiri venyu isu vaDhavhidhi Tinemi isu mwana waJese! Rugare ngaruve nemi! Uye dai rugare rwangovawo nemi, navanokubatsirai ngavavewo norugare, nokuti Mwari wenyu anokubatsirai!” Dhavhidhi akazovagamuchira akavaita vakuru vakuru vezvikwata zvehondo yake.
1 Makoronike 12:18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo mŋeya wakaʋuya pamsoro paAmasai waiʋa mukuru waʋanamakumi matatu, akati: Tiri ʋanhu ʋenyu, Davidi, tiri kurutiʋi rwenyu, mŋanakomana waJese! Rugare, rugare ŋgaruʋe nemi, rugare ŋgaruʋe naʋaɓatsiri ʋenyu; nokuti Mŋari wenyu unokuɓatsirai. Ipapo Davidi akaʋagamucira, akaʋaita ʋakuru ʋeɓoka.
1 Makoronike 12:18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)