Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo Kuwidzira

Kuwidzira
Mateo ndimwe romabhuku manai yomuChibvumirano Itsva rinodonongodza upenyu hwaJesu Khirisitu. Rimwe norimwe romabhuku yakareya rinodaidziwa kuti “Vhangeri,” zvichireva kuti, “Nyaya Dzidonaka.” Nyaya Dzidonaka dzidonyorewa naMateo, Mariko, Ruka, naJohwani mumasure mokupfa kwaJesu. Nyanzvi dzokudzidza dzinozivaba gore chairo ridonyohwa Vhangeri raMateo, asi zvinogona kunge dzaiva nguwa dzokumakore makumi matanhatu Khirisitu wabva kuzvahwa. Pakare nzvimbo yaridonyorehwa inozikanaba, asi vazinji vanondofungidzira kuti ridonyorehwa kuParasitaini uye munogona kuva muguta rikuru roJerusarema.
Munyori ndiMateo, wanga ari muteresi kare Jesu asinati wamudaidza kuti ave mudzidzi wache. Waizikanawo nozita rokuti Revhi. Mateo wanga ari umwe woNhumwa gumi nodziiri uye adonyorera vaJudha. Izvi zvinonatsa kuoneka nozvinyohwa zvaanotora muChibvumirano Chokare zvinodarika makumi matanhatu. Waida kunangidza kuti Jesu ndiye Mesiya, muponisi, musaruhwa waMwari, adoporofitiwa. Mateo adonyorawo chaizvo pamusoro poumambo hwaMwari. VaJudha vaitarisira kuti Mesiya waidzova mambo womatongehwo yonyika. Mateo adonatsa kuita hanya kupikisa kutenda kudodaro achitsanangura umambo hwaMwari kuti ngwomweya.
Vhangeri ridonyohwa naMateo ibhuku ridonaka kuthanga naro Chibvumirano Chitsva nondava yozvinyohwa zvarene zvese zvomuChibvumirano Chokare. Rinobatanidza zviBvumirano zviiri. Nyanzvi dzokudzidza dzinopawo pfungwa yokuti pamwe Mateo waiedza kuteedzera marongehwo yomabhuku yaMozisi, yanova ndiyo mabhuku mashano yokuthanga muChibvumirano Chokare. Mharidzo yaJesu pagomo (5-7) inogona kuenzanisiwa nokupasa murairo kwaMwari kuna Mozisi (Dhotoronomi 19:3—23:33).
Marongehwo:
Mateo anothanga vhangeri nokutaura mazvarihwo yaJesu Khirisitu nomathangiro youshumiri hwache muzvitsauko Mateo 1-4
Chinotevera nyhokuti Mateo anotsanangura ushumiri hwaJesu nodzidziso dzache dzizinji muzvitsauko Mateo 5-25
Chikamu chokupedzisira chaMateo chiri pamusoro poushumiri hwopamusorosoro hwaJesu hwokupfa nokumuka kwache Mateo 26-28

Zvasarudzwa nguva ino

Mateo Kuwidzira: KBT

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda