Mateo 26
26
Kurangana Kubaya Jesu
(Mariko 14:1,2; Ruka 22:1,2; Johwani 11:45-53)
1Jesu paadopedza kunyaira kwese uku, adoti kuvadzidzi vache, 2“Munoziva kuti musure momazuva mairi Phasika iri kuuya, uye Mwanakomana woMunhu achaisiwa kuti arovehwe pamuchinjikwa.”
3Ipopo vaphirisita vakuru novatungamiri vovanhu vadoungana mumuzinda womuphirisita mukuru, waiitiwa Kefasi, 4ndokurangana pabodzi masungiro yavangaite Jesu zvokubiridzira vachimubaya. 5Asi vadoti, “Mbazvireke kuitiwa pamutambo wophasika, ndava pangadzoita bongozozo pakati povanhu.”
Jesu Anozodzewa paBhetani
(Mariko 14:3-9; Ruka 12:1-8)
6Zvino Jesu paanga ari paBhetani mumba maSimoni wanga anomabobo, 7mukadzi wanga ano guchu romapfuta yanodhura maninge adouya paari, ndokuyadururira mumusoro wache, iye Jesu paanga adogarikika pakuja. 8Asi vadzidzi pavadozviona, vadotsva mwoyo nazvo, ndokubva vati, “Indava yei kucheneka mapfuta yoya daipa? 9Ndava mapfuta yakareya yaifanira kutengesewa nomari izinji, mariyo yopasiwa varombo.”
10Asi Jesu achizviziva, adoti kwavari, “Indava yei muchimunetsa mukadzi iyeyu? Nokuti waita chinhu chidonaka kwandiri. 11Ndava varombo munavo nguwa dzese, asi muchavaba nainini nguwa dzese. 12Pakudururira kwaaita mapfuta yanonushira pamuviri wangu atogadzirira kuvigiwa kwangu. 13Chokwadi, ndinoti kwamuri, kwese kuchaparidziwa vhangeri iri pasi pese, zvaaita zvichatauriwa achiyeukiwa nazvo.”
Judhasi Anopandukira Jesu
(Mariko 14:10,11; Ruka 22:3-6)
14Ipopo umwe wovadzidzi gumi novairi, waiitiwa Judhasi Sikariyoti, adoenda kuvapirista vakuru 15achiti, “Chii chamuchandipasa kana Jesu ndamupereka kwamuri?” Ivo vadomuripa masirivha makumi matatu. 16Kubva panguwa yakareyo adotsvaga mukana wokumupandukira.
Jesu Anoja Chirairo choPhasika noVadzidzi
(Mariko 14:12-21; Ruka 22:7-13,21-23; Johwani 13:21-30)
17Zvino pazuva rokuthanga roMazingwa Yasinai Mbiriso vadzidzi vadouya kuna Jesu, vachiti, “Nghupi kwamunoda kuti tikugadzirirei kuti mujire Phasika?”
18Adoti, “Endai muguta kwanembi uye, muti kwaari, ‘Mudzidzisi ari kuti, Nguwa yangu yava kusvika, ndichajira Phasika kumba kwako pabodzi novadzidzi vangu.’”
19Vadzidzi vadoita zvavadoraihwa naJesu, vachibva vagadzira kuja kwophasika.
20Payanga yava mauro, adogara pakuja novadzidzi vache gumi novairi, 21vachija daipo, adoti kwavari, “Chokwadi, ndinoti kwamuri, umwe wenyu achandipandukira.”
22Ivo vadosuwa chaizvo, ndokuthanga mubodzi mubodzi kumubvunza vachiti, “Nai Ishe, ndini chere?”
23Adopindura achiti, “Uyo wapinza ruoko rache mumbenge pabodzi nainini, ndiye achandipandukira. 24Mwanakomana woMunhu anoenda sezvidonyohwa pamusoro pache, asi mayanga kumunhu wakareyo anomupandukira! Zvaitova hasa dai munhu wakareyo asinai kuzvahwa.”
25Judhasi, nyakumupandukira, adoti, “Ndini chere nai Ishe?” Adoti kwaari, “Watozvinyaira.”
Chirairo chaIshe
(Mariko 14:22-26; Ruka 22:14-20; 1 VaKorinde 11:23-25)
26Zvino pavanga vachija, Jesu adotora zingwa, achiropafadza, ndokurikomora, achiripasa vadzidzi achiti, “Torai muje, wakareyu muviri wangu.”
27Ipopo adotora mukombe, paadopereka nhendo adovapasa, achiti, “Imwai kubva pauri mese, 28ndava rakareri igazi rangu rochibvumirano, rinoteurihwa vazinji kuti varegerehwe zvitadzo. 29Ndinokunyepai, ndichamwaba kamu zvomuchero wakareyu womuzambiringa kusvikira zuva randinoumwa nemi wava mutsva muUmambo hwaBaba vangu.”
30Pavadoimba chimbo, vadobirika kuenda kuGomo romiOrivhi.
Jesu Anozivisa Kuramba kwaPita
(Mariko 14:27-31; Ruka 22:31-34; Johwani 13:36-38)
31Ipopo Jesu adoti kwavari, “Usiku huno mese muchanditiza, ndava kudonyohwa, ‘Ndicharova nyakabusa, ipopo boka romahwai richapamwara.’
32Asi kana ndamutsiwa, ndichakutangirai kuenda kuGaririya.”
33Pita adokohomedza ndokuti kwaari, “Kana vakakutizai vese, inini ndinokusiyaiba.”
34Jesu adoti kwaari, “Chokwadi ndinoti kwauri, usiku hwakarehuno, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.”
35Pita adoti kwaari, “Kana ndichitofanira kupfa nemi, ndinokurambaiba.”
Vadzidzi vese vadodarowo.
Jesu Anonamata muGetsimani
(Mariko 14:32-42; Ruka 22:39-46)
36Zvino Jesu adoenda navo kunzvimbo inoitiwa Getsimani, ndokuti kuvadzidzi vache, “Garai pano inini ndichaenda uko konamata.” 37Adotora Pita novanakomana vairi vaZebhedhi, adothanga kunzva usoma nokutambudzika. 38Ipopo adoti kwavari, “Mwoyo wangu uri kusurukihwa chaizvo, zvokutosvika pakupfa, sarai pano, mugaririre neni.”
39Wandoti endei pamberi pashoma adowira pasi ndokunamata adoenzera nodumbu achiti, “Baba vangu, kana zvichigoneka, mukombe uyu womatambudziko mbaubiritsiwe kwandiri! Zvisinei, mbakureke kuva kuda kwangu, asi kuve kuda kwenyu.”
40Adouya kuvadzidzi ndokuvawana vaenzera, adobva wati kuna Pita, “Saka matadza kugaririra neni kwoawa ibodzi? 41“Garirirai munamate kuti mureke kupinda pamuedzo, mweya unoda zvawene, asi muviri udoneta.”
42Adoenda kamu kochipiri, achinamata, “Baba vangu, kana mukombe uyu usingagone kubiritsiwa kwandiri kunze kwokuti ndiumwe, kuda kwenyu mbakuitiwe.” 43Adouya kamu achivawana vaenzera, ndava meso yavo yanga yava nohope.
44Saka adovasiya kamu, achienda konamata kochitatu, achitaura mashoko mabodzi bodziyo. 45Paadouya kuvadzidzi adoti kwavari, “Muchidoenzera nokuzorora zvenyu? Nangarai, awa yasvika, Mwanakomana woMunhu waakupandukihwa achiisiwa mumanja yovatadzi. 46Sumukai tiende, onai anondipandukira wasvika.”
Kusungiwa kwaJesu
(Mariko 14:43-50; Ruka 22:47-53; Johwani 18:3-12)
47Paanga achiri kunyaira, Judhasi umwe wovadzidzi gumi novairi adouya, ano mhomho ikuru yanga ino mapakatwa nonduni, vanga vatumiwa novaphirisita vatungamiri novakuru vovanhu. 48Zvino mupanduki wanga wavapasa chiratidzo achiti, “Wandichatsvoda ndiye wakareyo, momubata.”
49Adobva wauyirafuti pana Jesu achiti, “Moroi, Mudzidzisi,” achimutsvoda.
50Jesu adoti kwaari, “Shamwari wavingei pano?”
Ipopo vadosvika vachibata Jesu nokumusunga. 51Ona, umwe wovanga vana Jesu adosvoronora bakatwa rache, ndokutema achigwata nzeve yomuranda womuphirisita mukuru. 52Ipopo Jesu adoti kwaari, “Dzotsera bakatwa panzvimbo yarene, ndava vese vanobata bakatwa vachaparadziwa nobakatwa. 53Munofunga kuti ndinokonaba nai kukumbira Baba vangu, kuti vanditumire nokamangu mapoka yongirozi dzinohwa yanodarika gumi nomairi? 54Asi manje magwaro yangazazisiwe tini, yanoti zvinofanira kuitika daipo?”
55Panguwa iyoyo Jesu adoti kumhomho, “Anga mauya nomapakatwa nonduni kudzondibata kunge muri kuvinga gananga? Apa mazuva yese ndaigarikika muimba yaMwari ndichidzidzisa, musingandibati. 56Asi zvese zvakarezvi zvaitika kuitira kuzazisa magwaro yovaporofiti.”
Ipopo vadzidzi vese vadotiza vachimusiya.
Jesu Pamberi poVabati vaGuta
(Mariko 14:53-65; Ruka 22:54,55,63-71; Johwani 18:13,14,19-24)
57Ipopo vanyakusunga Jesu vadomuendesa kuna Khefasi muphirisita mukuru, kwanga kudoungana vadzidzisi vomutemo novatungamiri vovanhu. 58Asi Pita adomutevera ari kurefu, kunge kuchivanze chomuphirisita mukuru, paadopinda adogara novarindi kuti aone magumo yazvene. 59Zvino vaphirisita vakuru nodare rese vadotsvaga pfakazi dzomabhwodo dzokuroverera Jesu kuti vagone kumubaya, 60asi vadodzisaya, kana nepo pfakazi dzizinji dzidouya pamberi. Pakupedzisira pfakazi dzomabhwodo dziiri dzidouya pamberi 61dzichiti, “Munhu uyu adoti, ‘Ndinogona kupunza imba yaMwari, ndichiivakha nomazuva matatu.’”
62Zvino muphirisita mukuru adosumuka achiti, “Haunai mhinduro nai? Chii varume ava chavari kukunenera?” 63Asi Jesu adonyarara. Ipopo muphirisita mukuru adoti kwaari, “Ndinoda kuti upike naMwari mupenyu, utiudze kana uri Khirisitu, Mwanakomana waMwari.”
64Jesu adoti kwaari, “Wazvinyaira ndiwe. Asi ndinokunyepa, kubva zvino uchaona Mwanakomana woMunhu adogarikika kuruoko roruji roAnosimba, achiuya ari pamusoro pomakuti yokudenga.”
65Ipopo muphirisita mukuru adokerura hembe yache, achiti, “Wanyaira zvokushora. Pfakazi tichadzidirei? Manzva zvino kushora kwache. 66Munozvionawo sei?”
Vadopindura vachiti, “Anofanira kupfa.”
67Ipopo vadomusvipira pachiso, vachimukahamura. Vamwe vachimukwatsamura, 68vachiti, “Porofita kwatiri, iwe Khirisitu! Mbani wakurova?”
Pita Anoramba Jesu
(Mariko 14:66-72; Ruka 22:56-62; Johwani 18:15-18; 18:25-27)
69Zvino Pita anga adogarikika kunze muchivanze chodare. Mushandirikadzi adouya kwaari, achiti, “Naiwepa wanga una Jesu woGaririya.”
70Asi adozviramba pamberi pavo vese, achiti, “Ndinozivaba zvaunoreva ini.” 71Paadobirika kuenda pamusuwo mukuru, umwe mushandirikadzi adomuona, achibva wati kuno vanga vadomira, “Murume uyu anga ana Jesu woNazareta.”
72Naipopa kamu adozviramba achitopika, “Ndinomuzivaba murume uyu.”
73Papera kanguwa vanga vadomira vadouya vachiti kuna Pita, “Chokwadi iwepa uri mabiyavo, ndava kutongedzera kwako kunokubatisa.”
74Ipopo adothanga kuzvishurikidza nokupika, “Handimuzive murume uyu.”
Pakarepo jongwe ridorira. 75Zvino Pita adoyeuka kunyaira kwaJesu, “Jongwe risati rarira, uchandiramba katatu.” Adobirika kunze ndokurira zvinosiririsa.
Zvasarudzwa nguva ino
Mateo 26: KBT
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
The Word for The World International