Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 12

12
Mubvunzo pamusoro poSabata
(Mariko 2:23-28; Ruka 6:1-5)
1Panguwa yakareyo Jesu adopinda nomuminda yogorosi iri Sabata. Vadzidzi vache vanga vaanonzara, vadobva vathanga kuchora hora dzogorosi vachija. 2Asi vaFarisi pavadozviona, vadoti kwaari, “Onaka, vadzidzi vako varikuita zvisingatendehwe kuitiwa paSabata!”
3Adoti kwavari, “Hamunai kuverenga nai zvidoitiwa naDhavhiti paanga anonzara novanhu vaanga anavo? 4Adopinda muimba yaMwari, achija pabodzi novanhu vaanga anavo mazingwa yanoera, yasingabvumihwi kujiwa noumwe munhu kusiya kwokujiwa novaphirisita basi. 5Kana kuti hamunai kuverenga mumutemo masvipisihwo yanoitiwa Sabata novaphirisita muimba yaMwari, asi vasinai mhosva? 6Ndinokunyepai, mukuru kukunda imba yaMwari ari pano. 7Dai maiziva kuti zvakarezvi zvinorevei, ‘Ndinoda tsitsi, aikona chibairo.’ Mungadai musinai kupasa mhosva vasinai mhosva, 8nokuti Mwanakomana woMunhu ndiShe woSabata.”
Murume ano Ruoko Rudoputana
(Mariko 3:1-6; Ruka 6:6-11)
9Adobva pakarepo ndokupinda musinagoge ravo, 10makaremo manga muno munhu anoruoko ridoputana. Zvino vadomubvunza vachiti, “Zvinobvumihwa chere kuporesa nomusi woSabata?” Vadonyaira zvakarezvo kuti vawane mhosva yokumunenedzera.
11Jesu adoti kwavari, “Mbani munhu pamuri, anoti kana hwai rache rawira mugomba noSabata, haaribati achiribiritsa? 12Munhu adotonyanyitsa kukosha kukunda mahwai! Saka zvinotendehwa kuita zvidonaka nomusi woSabata.” 13Ipopo adoti kumurume uye, “Tambanudza ruoko rako.”
Iye adobva waritambanudza, ndokubva rapora, kutofanana norimwe racho. 14Asi vaFarisi vadobirika vachienda korangana, mabairo yavangamuite.
Muranda Adosaruhwa naMwari
15Jesu achiziva zvakarezvi adobirika pakarepo, vanhu vazinji vadomutevera. Adovaporesa vese 16achivatsindikira kuti vareke kutaura kuti iye mbani. 17Uku kwanga kuri kuzazisa zvidorehwa nomuporofiti Isaya:
18“Onai muranda wangu wandidosarura,
mudikani wangu anofadza mweya wangu.
Ndichaisa Mweya wangu paari,
iye achazivisa voDzimwe Ndudzi kururamisa.
19Anopopotaba kana kufurumidza,
hapanai achanzva dzinga rache munzira,
20tsanga idobvonyewa anoichoraba,
kana kudzima kathambo kadonyekuma,
kusvikira aita kuti kururamisira kukunde,
21futi muzita rache ndimo muchava notariro yovasiri vaJudha.”
Jesu naBheruzabhu
(Mariko 3:20-30; Ruka 11:14-23)
22Zvino vadouya kwaari nowanga ano shave ari bofu nochimumumu, iye ndokumuporesa, zvokuti chimumumu chidotaura nokuona. 23Vanhu vese vadoshamisika, vachibva vati, “Anga iyeyu angave Mwanakomana waDhavhiti nai?”
24Asi vaFarisi pavadozvinzva vadoti, “NdiBheruzabhu chete, jinda romashave, raanodzinga naro mashave murume uyu.”
25Nokuziva pfungwa dzavo, adoti kwavari, “Umambo hwese hunozvipesanisa hunopfuruka, futi hapanai guta kana imba ingamire kana ichizvipesanisa, 26naSathani kana achidzinga Sathani, ari kutozvipesanisa, saka umambo hwache hunomiraba. 27Zvino kana Bheruzabhu ari iye wandinodzinga naye mashave, ko vanakomana venyu vanoyadzinga naani? Saka vachava vatongi venyu ndipo. 28Asi kana uri Mweya waMwari wandinodzinga nawo mashave, kureva kuti umambo hwaMwari hwauya pamuri.
29Kana kuti munhu angapinde tini mumba momunhu anomasimba achipamba midziyo yache, kunze kwokunge wathanga kusunga nyamasimbayo? Ipopo ndipo peno paangadzopamba imba yache.
30Uyo asiri pabodzi nainini anopesana nainini, noasingaunganidze nainini anopamwadza. 31Nokudaro ndinokunyepai, vanhu vachakangamwihwa zvitadzo zvese nokushora, asi kushora Mweya hakukangamwihwi. 32Futi wese anonyaira shoko rinopikisa Mwanakomana woMunhu achakangamwihwa, asi anonyaira shoko rinopikisa Mweya Mutsvene haakangamwihwe, munguwa ino kana inouya.
Kuziva Muti noMuchero Wawene
(Ruka 6:43-45)
33“Muti udonaka nomuchero wawene udonaka, muti udoipa nomuchero wawene udoipa, ndava muti unozikana nomuchero wawene. 34Imi vana vonyoka mungataure tini zvidonaka, imimi mudoipa? Ndava muromo unotaura zvizere mumwoyo. 35Munhu adonaka kubva mupfuma yache idonaka anobiritsa zvidonaka, nomunhu adoipa kubva mupfuma yache idoipa anobiritsa zvidoipa.
36Ndinokuudzai, pazuva rokutongewa vanhu vachazvidairira pamusoro poshoko rese rokusafunga ravadotaura, 37ndava nomashoko yako ucharuramisiwa, uye nomashoko yako uchataiwa.”
Kupopera Chiratidzo
(Mariko 8:11,12; Ruka 11:29-32)
38Zvino vamwe vadzidzisi vomutemo novaFarisi vadoti kwaari, “Mudzidzisi tinoda kuona chiratidzo kubva kwamuri.”
39Asi iye adovapindura achiti, “Vanhu vomazuvano vadoipa vasinai kutendeka vanotsvaga chiratidzo: manje hapanai chiratidzo chavachapasiwa kunze kwochiratidzo chomuporofiti Jona. 40Ndava sezvo Jona adogara mumimba mohove mazuva matatu nousiku hutatu, noMwanakomana woMunhu achavawo mumwoyo wonyika mazuva matatu nousiku hutatu. 41Vanhu vomuNinivhi vachasumuka pakutongewa vachipasa mhosva vanhu vonguwa ino, ndava vadopinduka pakuparidza kwaJona, onai, umwe mukuru kuna Jona ari pano. 42Mambokadzi wokuChamhembe kunyika yoShebha achasumuka pakutongwa achipasa mhosva vanhu vonguwa ino, ndava adouya kubva kumagumo yonyika kudzonzva uchenjeri hwaSoromoni, onai, umwe mukuru kuna Soromoni ari pano.”
Kudzoka kwoShave
(Ruka 11:24-26)
43“Kana mweya udoipa wabirika mumunhu, unopinda nomunzvimbo dzisinai mvura uchitsvaga zororo, asi unorisaya. 44Ipopo unoti, ‘Ndichadzokera kuimba yangu yandidobirika.’ Paunouya unowana imba isinai chinhu, idotsvaihwa, idonhadzihwa. 45Zvino unoenda wouya noimwe mweya idoipa minomwe idoipitsitsa kuukunda, yopinda kogara makaremo. Mamiriro yokupedzisira yomunhu wakareyo yadonyangaritsa kukunda yokuthanga. Izvozvo ndizvo zvichaitika kuvanhu vonguwa ino vadoipa.”
Amai novanin'ina vaJesu
(Mariko 3:31-35; Ruka 8:19-21)
46Achiri kunyaira novanhu daipo amaache novanin'ina’ina vache vadomira panze, vachikumbira kunyaira naye. 47Ipopo umwe adomunyepa achiti, “Amai venyu novanin'ina’ina venyu vadokumirirai panze, vari kuda kukuonai.”
48Kumunhu adomunyepa Jesu adopindura achiti, “Amaangu mbani? Vanin'ina vangu mbani?” 49Adotambanudza ruoko kuvadzidzi vache ndokuti, “Vakareva ndivo amaangu novanin'ina’ina vangu! 50Ndava wese anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga ndiye munin'ina wangu, nohanzvadzi yangu, namaangu.”

Zvasarudzwa nguva ino

Mateo 12: KBT

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda