Pavadopedza kuja kwomangwanani, Jesu adoti kuna Simoni Pita, “Simoni, mwanakomana waJohwani, unondiditsa kukunda ava chere?” Adoti kwaari, “Inde, Ishe; munozviziva kuti ndinokudai.” Jesu adoti kwaari, “Posha hwai dzangu dzidiki.” Kochipiri adomuti pakare, “Simoni, Mwanakomana waJohwani, unondida chere?” Adoti kwaari, “Inde, Ishe; munozviziva kuti ndinokudai.” Adoti kwaari, “Chengeta hwai dzangu.” Adoti kwaari kochitatu, “Simoni, mwanakomana waJohwani, Unondida chere?” Pita adokaripa nazvo ndava wanga wati kwaari kochitatu, “Unondida chere?” Adoti futi kwaari, “Ishe, munoziva zvinhu zvese; munoziva kuti ndinokudai.” Jesu adoti kwaari, “Posha hwai dzangu.
Verenga chikamu Johwani 21
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johwani 21:15-17
13 Mazuva
Achipindura mubvunzo wekuti murairo mukuru pamirairo yese ndeupi, Jesu haakakame - Ida Jehovha Mwari wako, zvekare ude muvakidzani wako sekuda kwaunozviita iwe. Irairo yakareruka, asi rudo rwakadaro runoreva kuti chii mumagariro ezuva rimwe narimwe? Muchidzidzo chino, unotevera ndima gumi nenhatu dzakakosha dzinovhendenyura mwongo werutendo rwedu. Zviwanire nduramo izere nemoyo pachifuva cherudo runogumbatira rwaJesu.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo