Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johwani 17

17
Jesu Anonamatira Vadzidzi Vache
1Jesu paadonyaira mazvi yakareya, adonangara kudzuru ndokuti, “Baba, nguwa yasvika. Kudzai Mwanakomana kuti Mwanakomana akukudzei, 2ndava mudomupasa simba pamusoro povanhu vese, kuti apase upenyu husingapere kuno vese vamudomupasa. 3Futi uhu ndihwo upenyu husingapere, kuti vakuzivei imimi Mwari wega wochokwadi, naJesu Khirisitu wamudotuma. 4Ndidokukudzai panyika, nokupedzisa basa ramudondipasa kuti ndiite. 5Zvino Baba, ndikudzei pamberi penyu nokukudziwa kwanga ndinako ndinaimimi nyika isati yagadzihwa.”
6“Ndaita kuti zita renyu rizikane novanhu vamudondipasa panyika, vanga vari venyu, futi mudovapasa kwandiri, futi vadochengeta shoko renyu. 7Manje vaakuziva kuti zvese zvamudondipasa zvidobva kwamuri, 8nokuti ndidovapasa mashoko yamudondipasa, futi vadoyatambira, vadoziva zvochokwadi kuti ndidobva kwamuri, futi vadotenda kuti imimi mudondituma.”
9“Ndiri kuvanamatira ndiri kunamatiraba nyika asi vakareva vamudondipasa, ndava mbenyu, 10vese vangu mbenyu, futi venyu mbangu, pakare ndinokudziwa kuburikidza nomavari. 11Futi handichava panyika, asi ivo vari panyika, inini ndiri kuuya kwamuri. Baba vatsvene, vachengetei muzita renyu, ramudondipasa, kuti vave vabodzi, sezvatiri mubodzi. 12Pandaiva navo, ndidovachengeta muzita renyu ramudondipasa, ndidovachengeta, futi hapanai umwe wavo adotaika asi mwanakomana wokuparadziwa, kuti gwaro rizazisiwe. 13Asi zvino ndiri kuuya kwamuri, futi zvinhu zvakarezvi ndinozvinyaira panyika, kuti mufaro wangu uzazisiwe mavari. 14Ndidovapasa shoko renyu, nyika ndokuvavenga ndava mbonyikaba, kunge inini ndisiri wonyika. 15Ndinonamataba kuti muvabiritse panyika, asi kuti muvachengete kubva kuno uyo adoipa. 16Havasi vonyika, fanike inini ndisiri wonyika. 17Vaitei vatsvene muchokwadi shoko renyu ndiro chokwadi. 18Kunge kutuma kwamudondiita panyika, saka ndidovatuma kunyika. 19Nokuda kwavo ndinozviita mutsvene, kuitira kuti vaitiwewo vatsvene muchokwadi.”
20“Handinamatire vakareva chete, asi noavo vanotendawo kwandiri kuburikidza noshoko ravo, 21kuti vese vave mubodzi, kunge imipa, Baba muri mandiri, nainini ndiri mamuri. Ndinonamatira kuti vavewo matiri, kuitira kuti nyika itende kuti mudondituma. 22Kubhwinya kwamudondipasa ndidovapasa, kuti vave mubodzi kunge isisu tiri mubodzi, 23inini ndiri mavari futi imimi muri mandiri, kuti vanatse kuita mubodzi, kuitira kuti nyika izive kuti mudondituma futi kuti mudovada zvidofanana nokundida kwamudoita.”
24“Baba, ndinoditsa kuti vakareva vamudondipasa, vave nainini pandinenge ndiri, kuti vaone kubhwinya kwangu kwamudondipasa murudo renyu nyika isati yavapo. 25Baba vadorurama, kunyange nyika isinai kukuzivai, asi inini ndidokuzivai, futi ava vanoziva kuti mudondituma. 26Ndidoita kuti vakuzivei, futi ndicharamba ndichiiita kuti muziviwe, kuitira kuti rudo ramudondida naro ruvewo mavari, kuti inini pachangu ndive mavari.”

Zvasarudzwa nguva ino

Johwani 17: KBT

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda