Jakobho 5
5
Chenjedzo kuVapfumi
1Zvino tetekerai imipa vapfumi, rirai muite maundu nondava yokutambudzika kuri kuuya kwamuri. 2Pfuma yenyu yaora, tukumo taja mbacha dzenyu. 3Ndarama yenyu nosirivha yenyu zvaita ngura. Ngura yazvene ichakurovererai nokuparadza nyama yenyu kunge moto. Mudotutira pfuma pamazuva yokupedzisira. 4Onai! Mihoro yamudotadzirira kuripa vashandi vaichekerera minda yenyu iri kudaidzira. Kudaidzira kwovakohwi kwasvika munzeve dzaIshe wohondo. 5Mudogara panyika muri paufuru mudogarika. Mudozvikodza mwoyo pazuva rokubaya. 6Mudotongera runya mudobaya munhu adorurama, wanga asingakudzivisei.
Kutsungirira noMunamato
7Hama tsungirirai, kusvikira pakuuya kwaIshe. Nangarai murimi anomirira munda kuti uberekese zvirimwa zvinokosha nokutsungirira kwaanoita kusvikira zvawana mvura yokuthanga noyokupedzisira. 8Nemiwo, tsungai mudomira zvidosimba, ndava kuuya kwaIshe kwava papfupi.
9Hama rekai kunyunyutirana, kuti mureke kutongwa. Mutongi adomira pamusuwo! 10Hama, pakutsungirira pamatambudziko torai muenzaniso wovaporofiti vaitaura muzita raIshe. 11Onai, tinototi vadokomborehwa ivo vadotsungirira. Mudonzva kutsungirira kwaJobho uye pakupedzisira mudoona zvidodzoitiwa naIshe. Ishe vazere notsitsi noruyamuro.
12Hama dzangu, pamusoro pozvese, rekai kupika kana nodenga kana nonyika kana nokumwe kupika. Asi itai “Inde” panodiwa inde, moti “Neye” panodiwa “neye” kuti mureke kuwira mukutongewa.
13Panoumwe ari kutambudzika chere pakati penyu? Mbaanamate. Pano ari kufara chere? Mbaaimbe zvimbo zvokurumbidza. 14Pano anohwara chere pakati penyu? Mbaadaidze vakuru vokherekhe kuti vamunamatire vamuzore nomafuta muzita raIshe. 15Munamato unopasiwa nokutenda uchaporesa muhwere, Ishe vachamumutsa. Kana adoita zvitema, acharegerehwa. 16Saka reuriranai zvitema zvenyu, munamatirane kuti muporesewe. Munamato womunhu adorurama unosimba rikuru pakubata kwawene. 17Eriya wanga ari munhu kunge isisu. Adonamata zvidonyanya kuti mvura ireke kuna, ichibva yarekera kuna panyika kwomakore matatu nomwedzi mitanhatu. 18Adonamata kamu, denga richibva ranisa mvura, nyika ichibva yabereka zvibereko zvayene.
19Hama dzangu, kana umwe wenyu akatsambuka kubva pachokwadi pachidzoita anomudzora, 20mbaazive kuti wese anodzora mutadzi panzira yokudzonga kwache achamuponesa paipfa nokusvisva zvitema zvizinji.
Zvasarudzwa nguva ino
Jakobho 5: KBT
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
The Word for The World International

: