Mabasa yoNhumwa 8
8
1Sauro wanga achibvumirana nokubaiwa kwache.
Sauro Anotambudza Kherekhe
Zvino pazuva rakarero kutambudziwa kukuru kwokherekhe muJerusarema kudomuka, vadopwamwadziwa vese vachienda mumatunhu yese yoJudhiya noSamariya, ndokundosara nhumwa. 2Varume vadorurama vadoviga Sitefani, vachimurira zvidokungudza.
3Asi Sauro adothanga kuparadza kherekhe, achipinda imba noimba, achizvuzvurudza vanhurume novanhukadzi achivaisa mutorongo.
Vhangeri Rinoparidziwa muSamariya
4Zvino avo vadopwamwadziwa vadoenda vachiparidza shoko. 5Firipi adoenda kuzasi kuguta roSamariya, achiparidza Khirisitu kwavari. 6Gurusvusvu ridotetekera nomwoyo mubodzi zvainyaihwa naFiripi, vachinzva nokuona zviratidzo zvaanga achiita. 7Nokuti mweya yotsvina idobirika muvanhu vazinji vanga vadopotehwa nayo, ichikuwa noruzha rikuru, uye vazinji vanga vari zvirema nomhetamakumbo vadoporesewa. 8Nokudaro mudova nomufaro mukuru muguta rakarero.
9Asi kare kwanga kuno murume waiitiwa Simoni waimboita zvomapipi mugutamo achishamisa vanhu voSamariya, achitodumba kuti iye mukuru. 10Vese vaiteerera kwaari, kubva pamudiki kusvika kumukuru, vachiti, “Murume wakareyu anoitiwa Simba Rikuru raMwari.” 11Vadomutevera ndava wanga wavashamisa kwonguwa irefu nomapipi yache. 12Asi pavadotenda Firipi paaiparidza nyaya idonaka pamusoro poumambo hwaMwari nozita raJesu Khirisitu, vadoombekewa, vese vanhurume novanhukadzi 13Naiyewo Simoni pachake adotenda, mumasure mokuombekewa adoramba achitevera Firipi kwesekwese, achishamisiwa paaiona zviratidzo zvikuru nominana zvaiitiwa naFiripi.
14Zvino nhumwa paJerusarema pavadonzva kuti Samariya ratambira shoko raMwari, vadotuma Pita naJohwani kwavari, 15ivo vadoenda kovanamatira kuti vatambire Mweya Mutsvene, 16nokuti wanga unati waburuka kana nokumubodzi wavo zvache, asi vanga vandoombekewa muzita raIshe Jesu basi. 17Ipopo vadoturika manja yavo pamusoro pavo vachibva vatambira Mweya Mutsvene.
18Manje Simoni paadoona kuti Mweya wapasiwa nokuturikiwa pamusoro kwomanja yonhumwa, adovapasa mari, 19achiti, “Ndipaseiwo simba rakareri, kuti wese wandinenge ndaturika manja yangu pamusoro atambire Mweya Mutsvene.”
20Asi Pita adoti kwaari, “Sirivha yako mbaiparadziwe pabodzi naiwewe, nokuti udofunga kuti ungatenge chipo chaMwari nomari! 21Haunai chikamu kana mugove pachinhu chakarechi, nokuti mwoyo wako haunai kukohoroka pamberi paMwari. 22Pinduka ndipo paunyangadzi hwakohu, unamate kuna Ishe kuti, kana zvichikwanisika, uregerehwe pachinangwa chomwoyo wako. 23Nokuti ndinoona kuti udozara noukari nochanje uri musungwa wochitadzo.”
24Pakarepo Simoni adopindura achiti, “Ndinamatirei kuna Ishe, kuti pareke kuva nochibodzi chozvamanyaira chingandiwire.” 25Zvino vadoti vapfakaza nokunyaira shoko raIshe, vadodzokera kuJerusarema, vachiparidza nyaya idonaka kumisha mizinji yomuSamariya.
Firipi noMukurumukuru woItopiya
26Asi ngirozi yaIshe idoti kuna Firipi, “Sumuka, uende udonanga kuchamhembe kunzira inodzika ichibva kuJerusarema ichienda kuGaza.” Iyi inzira yomugwenga. 27Iye adosumuka achienda. Adobva waona murume anokosha wokuItopiya, waiva muranda waKhandasi, zvinoreva kuti mambokadzi woItopiya. Murume iyeyo waiva muchengeti wopfuma yese yoItopiya, futi wanga waenda kuJerusarema konamata. 28Pakudzoka kwache kumba wanga adogarikika mungoro yache achiverenga kuna muporofiti Isaya. 29Mweya adoti kuna Firipi, “Nyedza papfupi nongoro urambe uri papfupi nayo.” 30Saka Firipi adomhanyira kungoro ndokumunzva murume uye achiverenga muporofiti Isaya. Firipi adomubvunza achiti, “Ko uri kunzvitsitsa chere zvauri kuverengazvo?”
31Iye adoti adoti kuna Firipi, “Anga ndinganzvitsitse tini pasinai anondirairira?” Saka adobva wakoka Firipi kuti akwire agare naye. 32Zvino ndima yogwaro raanga achiverenga njiyi,
“Sehwai rinoisiwa kumubai
kana hwayana risingarire pamberi pomugeri warene, adonyarara,
haanai kushamisa muromo wache.
33Pakuzvidziwa kwache, kururamisihwa adokurambihwa.
Mbani angatsanangure rudzi rache?
Ndava upenyu hwache hunobisiwa panyika.”
34Muranda adoti kunaFiripi, “Ndinokumbirawo kuziva, mbani ari kurehwa nomuporofiti, ari kuzvireva chere kana kuti ari kureva umwewo?” 35Ipopo Firipi adothanga pagwaro rakareri ndokumuparidzira nyaya idonaka yaJesu. 36Manje pavanga vachitekaira daro nonzira vadosvika panga pano mvura, muranda waKhandasi adoti, “Ona, mvura iri pano! Chiiko chinganditadzise kuombekewa?”
37Zvino Firipi adomuti, “Kana uchitenda nomwoyo wake wese, zvinoita kuti uwombekewe.” Zvino iye adopindura achiti, “Ndinotenda kuti Jesu Khirisitu ndiye mwanakomana waMwari.” 38Firipi adoraira kuti ngoro imisiwe, zvino vese vadopinda mumvura, Firipi ndokuombeka muranda. 39Zvino vadoti vachibirika mumvura, Mweya waIshe udobvuta Firipi, muranda haanai kudzomuona pakamu, iye adotekaira hwendo hwache achifara. 40Asi Firipi adowanika paAzoto, paaipinda waiparidza vhangeri pamaguta yese kusvikira wasvika kuKesariya.
Zvasarudzwa nguva ino
Mabasa yoNhumwa 8: KBT
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
The Word for The World International