VaHebheru 12:1-2
VaHebheru 12:1-2 SUB
Naizvozvo, nesuwo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza, nezvivi zvinongotinamatira, ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa, tichitarira kuna Jesu, muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu, iye akatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro akaiswa pamberi pake, akashora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari.


