Mapisarema 41:1-3
Mapisarema 41:1-3 BDSC
Akaropafadzwa uyo ane hanya navasina simba; Jehovha anomurwira panguva dzokutambudzika. Jehovha achamudzivirira uye achachengetedza upenyu hwake; achamuropafadza panyika uye haangamuisi kuchido chavavengi vake. Jehovha achamuraramisa panhoo yake yourwere uye achamuponesa panhoo yake yourwere.

