Mapisarema 30:1-3
Mapisarema 30:1-3 BDSC
Ndichakukudzai imi Jehovha, nokuti makandisimudza kubva pakadzika, uye hamuna kutendera vavengi vangu kuti vafare pamusoro pangu. Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndakachemera rubatsiro kwamuri uye mukandiporesa. Haiwa Jehovha, makandibudisa muguva; mukandirwira kuti ndirege kupinda mugomba.

