Zvirevo 4:11-13
Zvirevo 4:11-13 BDSC
Ndinokudzidzisa nzira youchenjeri uye ndiri kukutungamirira panzira dzakarurama. Paunofamba, tsoka dzako hadzingapinganidzwi, paunomhanya, haungagumburwi. Batisisa kurayirwa, usarega kuchienda; nyatsokurinda zvakanaka, nokuti ndihwo upenyu hwako.

