Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 14:29-33

Zvirevo 14:29-33 BDSC

Munhu ane mwoyo murefu anonzwisisa, asi munhu anokurumidza kutsamwa anoratidza upenzi. Mwoyo wakagadzikana unopa upenyu kumuviri, asi ruchiva runoodza mapfupa. Uyo anomanikidza varombo anoratidza kuti anozvidza Musiki wavo, asi ani naani ane hanya nevanoshayiwa anokudza Mwari. Kana njodzi yauya, akaipa anowisirwa pasi, asi kunyange murufu akarurama ane utiziro. Uchenjeri hunogara mumwoyo yavanohunzvera uye kunyange pakati pamapenzi hunozvizivisa.