Musi mumwe chetewo, Jesu akabuda mumba akandogara nechokugungwa. Vanhu vazhinji vakamuunganira zvokuti akapinda mugwa akagaramo, vanhu vose vakamira kumahombekombe. Ipapo akavaudza zvinhu zvizhinji nemifananidzo, achiti, “Murimi akabuda kundokusha mbeu dzake. Paakanga achikusha mbeu, dzimwe dzakawira munzira, shiri dzikauya dzikadzidya. Dzimwe dzakawira parukangarahwe, padzakashaya ivhu rakakwana. Dzakamera nokukurumidza nokuti ivhu rakanga risina kudzika. Asi zuva rakati rabuda, mbeu dzakatsva dzikaoma nokuti dzakanga dzisina midzi. Dzimwe mbeu dzakawira muminzwa, minzwa ikakura ikadzivhunga. Dzimwewo mbeu dzakawira pavhu rakanaka, dzikabereka zvakapetwa kazana, kana zvakapetwa makumi matanhatu kana makumi matatu pane dzainge dzakushwa. Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.” Vadzidzi vakauya kwaari vakasvikomubvunza vachiti, “Ko, munotaurirei kuvanhu nemifananidzo?” Akapindura achiti, “Ruzivo rwezvakavanzika zvoumambo hwokudenga rwakapiwa kwamuri imi, asi kwete kwavari. Kune anazvo achapiwazve zvimwe, uye achava nezvakawanda. Asi ani naani asina kunyange nezvishoma zvaanazvo achazvitorerwa.
Verenga chikamu Mateo 13
Terera ku Mateo 13
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateo 13:1-12
5 Mazuva
Nerimwe zuva zvose zvichasara zvoupenyu hwedu uchava mutsetse (tsee) pakati pokuzvarwa kwedu norufu. Tingaunzira Kristu mutsauko wakakura munguva pfupi yatinayo pasi pano sei? Urongwa uhu hunokubatsira kutarisa hupenyu nomuono wokusingaperi, woziva zvibingamupinyi zviripo, uye wodzidza kuvakiridza chikamu chimwe nechimwe choupenyu hwako kuti ugorarama vavariro yako, ugova netariro, nomufaro zuva rimwe nerimwe. Muono unoshandura zvose!
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo