Rimwe zuva Jesu zvaakanga amire paGungwa reGenesareti, vanhu vakaungana vakamukomberedza vachiteerera kushoko raMwari, uye akaona magwa maviri kumhenderekedzo dzegungwa, akanga asiyiwapo navabati vehove, vakanga vachisuka mambure avo. Akakwira mune rimwe ramagwa acho, rakanga riri raSimoni, akamukumbira kuti ariswededze zvishoma kumahombekombe. Ipapo akagara pasi akadzidzisa vanhu ari mugwa. Akati apedza kutaura, akati kuna Simoni, “Chiriswededza kwakadzika ugokanda usvasvi ubate hove.” Simoni akapindura akati, “Tenzi, takashanda zvakaoma usiku hwose uye hatina kubata chinhu. Asi sezvamadaro imi, ndichakanda hangu mambure.” Vakati vaita saizvozvo, vakabata hove zhinji kwazvo uye mambure avo akatanga kubvaruka. Saka vakaninira vamwe vavo vakanga vari mune rimwe igwa kuti vauye vazovabatsira, ivo vakauya vakazadza magwa ose ari maviri; akazara zvokuti akatanga kunyura. Simoni Petro akati achiona izvi, akawira pamabvi aJesu akati, “Ibvai kwandiri, Ishe; ndiri mutadzi!” Nokuti iye neshamwari dzake vakashama kwazvo nokuda kwehove dzavakanga vabata, uye vanaJakobho naJohani, vanakomana vaZebhedhi, vamwe vaSimoni, vakashamawo. Ipapo Jesu akati kuna Simoni, “Usatya; kubva zvino uchava mubati wavanhu.” Saka vakakwevera magwa avo kumahombekombe, vakasiya zvose uye vakamutevera.
Verenga chikamu Ruka 5
Terera ku Ruka 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 5:1-11
13 Mazuva
Achipindura mubvunzo wekuti murairo mukuru pamirairo yese ndeupi, Jesu haakakame - Ida Jehovha Mwari wako, zvekare ude muvakidzani wako sekuda kwaunozviita iwe. Irairo yakareruka, asi rudo rwakadaro runoreva kuti chii mumagariro ezuva rimwe narimwe? Muchidzidzo chino, unotevera ndima gumi nenhatu dzakakosha dzinovhendenyura mwongo werutendo rwedu. Zviwanire nduramo izere nemoyo pachifuva cherudo runogumbatira rwaJesu.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo