Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 10:38-42

Ruka 10:38-42 BDSC

Jesu navadzidzi vake pavakanga vachifamba, vakasvika pano mumwe musha; mumwe mukadzi ainzi Marita akamugamuchira mumba make. Akanga ano mununʼuna wake ainzi Maria, uyo akagara patsoka dzaShe achiteerera kune zvaakanga achitaura. Asi Marita akatadziswa kuteerera nokuda kwokugadzirira kwose kwaifanira kuitwa. Akauya kwaari akati, “Ishe hamuna hanya here kuti mununʼuna wangu andisiya ndichingoshanda ndoga? Muudzei kuti andibatsirewo!” Ishe akapindura akati, “Marita, Marita, uri kufunganya nokugumburwa pamusoro pezvinhu zvizhinji, asi pane chinhu chimwe chete chinodikanwa. Maria asarudza chinhu chiri nani, uye haazochitorerwi.”