Zvino kwakanga kuno mumwe murume weboka ravaFarisi ainzi Nikodhimasi, nhengo yedare ravaJudha raitonga. Akauya kuna Jesu usiku akati, “Rabhi, tinoziva kuti muri mudzidzisi akabva kuna Mwari. Nokuti hakuna munhu angagona kuita zviratidzo zvamunoita kana Mwari asinaye.” Jesu akapindura akati, “Ndinokuudza chokwadi, hakuna munhu angaona umambo hwaMwari kana asina kuberekwa patsva.” Nikodhimasi akabvunza akati, “Munhu angaberekwa seiko iye ava mukuru? Zvirokwazvo haangagoni kupinda mudumbu ramai vake kechipiri kuti aberekwe patsva!” Jesu akapindura akati, “Ndinokuudza chokwadi, hakuna munhu angapinda muumambo hwaMwari kana asina kuberekwa nemvura uye noMweya. Nyama inobereka nyama, asi Mweya anobereka Mweya. Haufaniri kushamiswa nezvandareva ndichiti, ‘Unofanira kuberekwa patsva.’ Mhepo inovhuvhuta ichienda kwainoda. Unonzwa inzwi rayo, asi haugoni kuziva kwainobva kana kwainoenda. Ndizvo zvakaitawo vose vakaberekwa noMweya.”
Verenga chikamu Johani 3
Terera ku Johani 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 3:1-8
13 Mazuva
Pakupupura Kristu saIshe, hupenyu hwedu hunovandudzwa nekusingapere - heuno mubvunzo; rutendo urwu tingarudiridzira nenzira ipi? Kubvira kumavambo ekereke yekutanga zvichenda mberi, vatenderi vane hwanzvo hwetsika dzomweya nembiru dzechokwadi dzavanobatirira padziri. Muchidzidzo chino, unotevedza ndima gumi nenhatu dzinogovera tsindidzo dzehupenyu semuteveri waJesu. Zviwanire hwaro hwakasimba hwechitendero mudzidziso dzaKristu, pamwe nedzevaapostora vake.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo