Isaya 9:18-21
Isaya 9:18-21 BDSC
Zvirokwazvo zvakaipa zvinopfuta somoto; unopisa rukato neminzwa, unopisa matenhere edondo zvokuti unokwira kudenga mushongwe youtsi. Kubudikidza nokutsamwa kwaJehovha Wamasimba Ose nyika ichapiswa kwazvo uye vanhu vachava huni dzomoto; hapana achaponesa hama yake. Kurudyi vachadya asi vacharamba vane nzara; kuruboshwe, vachadya asi havangaguti. Mumwe nomumwe achadya nyama yomwana wake. Manase achadya Efuremu uye Efuremu achadya Manase; pamwe chete vachamukira Judha.

