Panguva dzousiku, Pauro akaona chiratidzo chomurume weMasedhonia amire achimukumbira achiti, “Yambukirai kuno kuMasedhonia muzotibatsira.” Shure kwokunge Pauro aona chiratidzo, takagadzirira pakarepo kuti tibve tiende kuMasedhonia, tagutsikana kuti Mwari akanga atidana kuti tindovaparidzira vhangeri. Tichibva paTroasi takananga kugungwa tikakwira chikepe ndokunanga kuSamotirasi, uye zuva rakatevera takasvika paNeaporisi. Kubva ipapo takaenda kuFiripi, nyika yaitongwa navaRoma uye guta guru redunhu reMasedhonia. Uye takagara mazuva mazhinji ipapo. Nomusi weSabata takabuda kunze kwesuo reguta kurwizi, kwataitarisira kuwana nzvimbo yokunyengeterera. Takasvikogara pasi ndokubva tatanga kutaura kumadzimai akanga akaungana ipapo. Mumwe waavo vakanga vakateerera aiva mudzimai ainzi Ridhia, aiva nebasa rokutengesa nguo dzomucheka wepepuru dzaibva kuguta reTiatira, ainamata Mwari. Ishe akazarura mwoyo wake kuti agamuchire mashoko aPauro. Akati abhabhatidzwa iye neveimba yake, vakatikoka kumba kwake akati, “Kana muchiona kuti ndiri mutendi muna She, uyaiwo mugare kumba kwangu.” Akatikumbirisa tikatenda.
Verenga chikamu Mabasa 16
Terera ku Mabasa 16
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mabasa 16:9-15
13 Mazuva
Achipindura mubvunzo wekuti murairo mukuru pamirairo yese ndeupi, Jesu haakakame - Ida Jehovha Mwari wako, zvekare ude muvakidzani wako sekuda kwaunozviita iwe. Irairo yakareruka, asi rudo rwakadaro runoreva kuti chii mumagariro ezuva rimwe narimwe? Muchidzidzo chino, unotevera ndima gumi nenhatu dzakakosha dzinovhendenyura mwongo werutendo rwedu. Zviwanire nduramo izere nemoyo pachifuva cherudo runogumbatira rwaJesu.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo