Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 5:1-5

2 Samueri 5:1-5 BDSC

Marudzi ose avaIsraeri akauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni akati, “Tiri nyama yenyu neropa renyu. Panguva yakapfuura, Sauro paakanga ari mambo wedu, ndimi maitungamirira vaIsraeri kuhondo dzavo. Uye Jehovha akati kwamuri, ‘Uchafudza vanhu vangu Israeri, ugova mutongi wavo.’ ” Vakuru vose veIsraeri vakati vauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni, mambo akaita sungano navo paHebhuroni pamberi paJehovha, uye vakazodza Dhavhidhi kuti ave mambo weIsraeri. Dhavhidhi akanga ava namakore makumi matatu paakava mambo, uye akatonga kwamakore makumi mana. MuHebhuroni akatonga Judha kwamakore manomwe nemwedzi mitanhatu, uye muJerusarema akatonga Israeri yose neJudha kwamakore makumi matatu namatatu.