Rute 3:12-18
Rute 3:12-18 SCLB
Zvino ichokwadi kuti ndiri hama chaiyo yomumba, asi kune mumwe anotova wepedyo kupinda ini. Chipedza zvako usiku hwanhasi uri pano. Kana akakugarira nhaka, zvakanaka rega aite saizvozvo, asi kana akaramba kugara nhaka, ndinopika naTenzi mupenyu kuti ini ndinokugara nhaka yacho. Chirara zvako kusvikira mangwana.” Saka iye akarara zvake kumakumbo kwake kusvikira mangwanani. Asi akamuka nguva yokuti hawainyatsoziva kuti munhu wauri kuona ndiani nokuti Bhoazi akanga asingade kuti zvizikanwe kuti pane mukadzi akasvika paburiro usiku. Akamuti, “Uya nechari yawakafuka uitambanudze.” Rute akabva aitambanudza, Bhoazi akadira mairi bhari inorema makirogiramu anenge makumi maviri. Akamutsiga, akaenda zvake muguta. Paakasvika kuna vamwene vake, vakamubvunza kuti, “Zvafamba sei mwanangu?” Iye ndokuvataurirawo zvose zvaakanga aitirwa nomurume iyeyo achiti, “Andipa bhari inotokwana makirogiramu anenge makumi maviri achiti, ‘Haungadzokere kuna vamwene vako usina chawakabata mumaoko.’ ” Ivo vakati, “Chimira zvako mwanangu kusvikira waona kuti nyaya iyoyi ichasvika papi nokuti murume iyeyu haasiri kuzogara pasi asi achatoigadzirisa chete iye nhasi uno.”

