Varoma 8:16-21
Varoma 8:16-21 SCLB
Iye Mweya pachake anopupurirana nemweya wedu kuti tiri vana vaMwari. Zvino kana tiri vana, tiri vagari venhaka. Tiri vagari venhaka yaMwari uye vagari venhaka pamwe naKristu. Ndokunge tambotambudzikawo pamwechete naye kuti tigozorumbidzwa pamwe naye. Ndinofunga kuti matambudziko enguva ino haangamboenzaniswa nembiri yaticharatidzwa. Zvisikwa zvose zviri kumirira zvichisuwira kwazvo kuratidzwa kwavana vaMwari, nokuti zvisikwa zvakaitwa zvinhu pasina kwete nokuda kwazvo asi nokuda kwaiye akazviita kuti zvidaro asi chitarisiro chiripo. Chikonzero ndechokuti zvisikwa pachazvo zvichasunungurwa muuranda hwokuora zvichiwana rusununguko rune mbiri rwavana vaMwari.

