Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Varoma 15:1-7

Varoma 15:1-7 SCLB

Isu takasimba tinofanira kuita mwoyo murefu navasina kusimba kwete kungozvifadzawo zvedu. Munhu wose anofanira kuitira mumwe wake zvinomufadza zvinomubatsira nokumusimbisa nokuti Kristu haana kungozvifadza zvake asi sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi, “Kuzvidza kwaavo vakakuzvidzai kwakauya kwandiri.” Ndinodaro nokuti zvose zvazvo zvakanyorwa mumazuva akare zvakanyorerwa kuti zvitidzidzise kuti nokushingirira uye nokukurudzira kwaMagwaro Matsvene tiwane chitarisiro. Dai Mwari anotsungisa uye anokurudzira vanhu angoita kuti mugarisane zvakanaka, zvinowirirana naKristu Jesu kuti pamwechete nezwi rimwechete murumbidze Mwari naBaba waTenzi wedu Jesu Kristu. Naizvozvo gamuchiranai sokugamuchirwa kwamakaitwa naKristu kuti Mwari arumbidzwe.

Verenga chikamu Varoma 15