Garai zvakanaka nomunhu ane chitendero chisina kusimba. Mugamuchirei asi musingaiti gakava naye pane zvaanofunga. Mumwe anotenda kuti anogona kudya chero chinhu asi asina kusimba uya achingodya mirio yoga. Anodya chinhu ngaarege kushora uyo asingadyi. Asingadyi uya ngaarege kupa mhosva uya anodya zvake nokuti Mwari anomugamuchira. Iwe ndiwe ani unopa mhosva muranda womumwe. Kubudirira kwake kana kusabudirira kwake muridzi wake ndiye anokuona. Achabudirira nokuti Tenzi wake ndiye anogona kuti abudirire.
Verenga chikamu Varoma 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Varoma 14:1-4
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo