Garai zvakanaka nomunhu ane chitendero chisina kusimba. Mugamuchirei asi musingaiti gakava naye pane zvaanofunga. Mumwe anotenda kuti anogona kudya chero chinhu asi asina kusimba uya achingodya mirio yoga. Anodya chinhu ngaarege kushora uyo asingadyi. Asingadyi uya ngaarege kupa mhosva uya anodya zvake nokuti Mwari anomugamuchira. Iwe ndiwe ani unopa mhosva muranda womumwe. Kubudirira kwake kana kusabudirira kwake muridzi wake ndiye anokuona. Achabudirira nokuti Tenzi wake ndiye anogona kuti abudirire. Mumwe munhu anofunga kuti rimwe zuva riri nani kupinda rimwe, mumwewo achitora mazuva ose seakangoenzana. Mumwe nomumwe ngaanyatsotendeseka mumwoyo make nokuti anochengeta zuva anochengeta achikudza Tenzi. Anodyawo anodya achikudza Tenzi nokuti anotenda Mwari. Uyewo uyo asingadyi anorega pamusana pokukudza Tenzi achitenda Mwari. Hapana mumwe wedu anozviraramira iye pachake; hapanawo mumwe wedu anozvifira iye pachake. Kana tiri vapenyu tinoraramira Tenzi. Uye kana tichifa tinofira Tenzi. Saizvozvo kana tikararama kana kufa tiri vaTenzi. Izvozvi ndizvo zvakafira Kristu akava mupenyuzve kuti ave Tenzi wavakafa navapenyu. Unopireiko hama yako mhosva! Ko iwewo unoshorerei mumwe wako! Iyesu tose tichandomira pamberi pechigaro chokutonga chaMwari, nokuti zvakanyorwa zvichinzi, “Hezvino ndakadai, ndizvo zviri kutaura Tenzi, ibvi rose richandigwadamira uye rurimi rwose rucharumbidza Mwari.” Naizvozvo mumwe nomumwe wedu achandozvidavirira pana Mwari. Saizvozvo ngatiregei kupana mhosva asi ngatitozviitirai chisungo chokuti hatimboisa chinopingiridza kana chinodzivirira panzira yehama yedu. Ndinoziva uye ndinokurudzirwa muna Tenzi Jesu kuti hapana chinhu chakan'ora pachacho asi kuti chakan'orera kuno uyo anochiti chakan'ora. Kana hama yako ichiodzwa mwoyo nezvauri kudya hauchisiri kuita zvine rudo. Usaite kuti chaunodya chiparadze munhu akafirwa naKristu. Saka usaite kuti chakanaka kwauri chizonzi chakaipa nokuti umambo hwaMwari haurevi chokudya kana chokunwa asi hunoreva ururami norugare nokufara muna Mweya Mutsvene. Munhu anoshandira Kristu zvakadai, munhu anofadza Mwari uye anodiwawo navanhu.
Verenga chikamu Varoma 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Varoma 14:1-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo