Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 22:34-40

Mateu 22:34-40 SCLB

VaFarisei pavakanzwa kuti akapwisa vaSadhusei, vakaungana. Mumwe wavo aiva, gweta, akamubvunza mubvunzo wokumuedza achiti, “Mudzidzisi ndoupi murao mukuru mumutemo?” Jesu akati kwaari, “Ida Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose. Iwoyu ndiwo mutemo mukuru uye wokutanga. Wechipiri wakafanana naiwo unoti, ‘Ida mumwe wako sokuda kwaunozviita iwe pachako.’ Mirao miviri iyoyi ndiyo misimboti yemitemo yose navaporofita.”

Verenga chikamu Mateu 22