Mambo Herodhi paakanzwa izvi, zvakamunetsa uye neJerusaremu yose. Akaunganidza vapristi vakuru vose nenyanzvi dzavanhu dzomutemo akavabvunzisisa kuti iye Kristu aizoberekererwa kupi. Vakamutaurira kuti, “MuBheterehemu yokuJudhea nokuti ndizvo zvakanyorwa nomuporofita zvichinzi, “ ‘Iwe Bheterehemu munyika yokwaJudha hausiwe muduku wokupedzesera pakati pavatongi vokwaJudha nokuti mauri muchabva mutongi achafudza vanhu vangu vaIsiraeri.’ ” Herodhi akadaidza vangwaru vaya muchivande akanyatsovabvunzisisa kuti nyenyedzi yakaonekwa rinhi. Akavaendesa kuBheterehemu achiti, “Endai mundotsvagisisa mwana iyeyo. Kana mamuwana ndiunzireiwo shoko, kuti neniwo ndiende ndindomugwadamira.” Pavakapedza kunzwa mambo vakasimudzirazve rwendo rwavo. Nyenyedzi iya yavakanga vamboona kumabvazuva ndiye n'a–a pamberi pavo ichivatungamirira kusvikira yandomira pamusoro penzvimbo yaiva nemwana. Pavakaona nyenyedzi iya vakafara norufaro rukuru kwazvo. Pavakapinda mumba imomo vakaona mwana pamwechete naamai vake Maria. Vakasvikoti pasi gwadagwa vachimuremekedza. Vakasunungura upfumi hwavo vachimupa zvipo zvendarama nerusenzi nemura. Vakati vakayambirwa mukurota kuti vasadzokere nokuna Herodhi, vakadzokera kunyika kwavo neimwe nzira.
Verenga chikamu Mateu 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 2:3-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo