Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Maraki 1:8-14

Maraki 1:8-14 SCLB

Kana imi muchipira sechibayiro mhuka dzakapofomara maziso, hausi huipi here ihwohwo? Ko kana muchipira dzakaremara kana dzine chirwere, hausi huipi here ihwohwo? Endai muzvipe kumutongi wenyu, anofadzwa nemi kana kukuitiraiwo zvakanaka here?” Ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo. Zvino chikumbirai Mwari tione kuti atiitire tsiye nyoro agotinzwirawo ngoni. Imi mune chipo chakadaro mumaoko menyu angakuitirei tsiye nyoro here? Ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo. “Dai zvazvo pane mumwe pakati penyu anopfiga zvake misuo kuti imi murege kubatidza moto paatari yangu zvisina maturo! Handichakufarirai. Ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo uye handichambogamuchira mupiro wamunopira imi namaoko enyu nokuti kubvira kunobuda zuva kudzamara kwarinodokera zita rangu iguru pakati pemarudzi uye munzvimbo dzose rusenzi runopirwa kuzita rangu pamwechete nemipiro mitsvene nokuti zita rangu, izita guru mukati memarudzi. Ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo. Asi imi munorin'oresa muchiti teburu yaTenzi yakasvibiswa muchipira zvenyu pairi chokudya chakazvidzika. Munototi zvenyu, ‘Haiwaiwa zvinonetsa izvi,’ izvozvo muchitondifinyamisira mhuno imi. Ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo. Munounzaka imi zvinhu zvakatorerwa vanhu nechisimba kana zvakaremara kana zvinorwara ndozvamunouya nazvo somupiro wenyu? Ini ndigamuchire zvakadaro kwamuri here ini? Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Ngaawirwe norushambwa munyengedzi ane chipfuwo chikono mudanga make chaanoti iye atsidza kuzochipira pidigu opira kuna Tenzi chibayiro chinoshoreka nokuti ini ndiri Mambo mukuru ini. Ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo, uye zita rangu rinotyiwa mukati memarudzi.”

Verenga chikamu Maraki 1