Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 21:12-19

Ruka 21:12-19 SCLB

Asi izvi zvose zvisati zvaitika vachakusungai vachikutambudzai vachakuturirai kumasinagogu nokukuisai mumajeri. Muchaunzwa pamberi pamadzimambo namagavhuna nokuda kwezita rangu. Iyi inenge iri nguva yokupa kwenyu umbowo. Nokudaro nyatsozvibatisisai mumwoyo menyu kuti musafunge kuti tichapindura sei. Ndichakupai unyanzvi hokutaura noungwaru zvokuti hapana kana mhandu yenyu ichazokwanisana nemi kana kupokana nemi. Muchakwidzwa matare kunyange navabereki venyu kana navakoma navanun'una nehama neshamwari. Vachauraya vamwe venyu. Muchavengwa navose pamusana pezita rangu. Asi hapana kana ruvhudzi rwomusoro wenyu ruchatsakatika. Kutsungirira kwenyu kuchakuwanirai upenyu hwenyu.

Verenga chikamu Ruka 21