Joshuwa 6:1-16
Joshuwa 6:1-16 SCLB
Guta reJeriko rakanga ranyatsonzi ndendende kupfigwa mukati nokunze pamusana pavaIsiraeri. Hakuna aibudamo kana kupindamo. Tenzi akati kuna Joshuwa, “Chinzwa, ndaisa Jeriko mumaoko ako zvose namambo waro navarwi varo vehondo vakasimba. Varwi vose vehondo munofanira kufamba muchitenderera guta irori, muritenderere kamwechete. Ndozvamuchaita kwamazuva matanhatu. Vapristi vanomwe vachange vane hwamanda dzenyanga dzehondohwe vari mberi kwebhokisi rechitenderano. Pazuva rechinomwe forai muchitenderera guta irori kanomwe, vapristi vachiridza hwamanda. Pavanozoti rebesei kuridza hwamanda yorunyanga rwehondohwe pamunongonzwa hwamanda iyoyo, vanhu vose ngavazhambe nezwi guru. Rusvingo rweguta iri ruchakoromokera pasi kuti warara, munhu wose ngaabva ati karakata napakanangana naye.” Joshuwa mwanakomana waNuni akadaidza vapristi akavati, “Takurai bhokisi rechitenderano, vapristi vanomwe vatakure hwamanda nomwe dzenyanga dzehondohwe vari mberi kwebhokisi raTenzi.” Akati kuvanhu, “Chifambai muchitenderera guta iri, varume vakapakata zvombo zvehondo vaende mberi kwebhokisi raTenzi rechitenderano.” Joshuwa paakaudza vanhu izvozvo, vapristi vanomwe vakanga vane hwamanda nomwe dzenyanga dzehondohwe dziya pana Tenzi vakatungamira vachiridza hwamanda idzodzo vachiteverwa nebhokisi raTenzi rechitenderano. Varume vakanga vakapakata zvombo vakaenda pamberi pavapristi vairidza hwamanda, shure kwebhokisi rechitenderano kwaiteverawo vamwe vokuchengetedzako iyo hwamanda ichingodandaura chete. Asi Joshuwa akayambira vanhu achiti, “Musambozhamba zvenyu kana kuwana mumwe wenyu anoti chwe kana kuti zvako muromo bufu kusvikira musi wandichakutii zhambai. Ndopamuchazhamba ipapo.” Saka aiti bhokisi raTenzi ritenderere guta iroro kamwechete vachidzokera zvavo kumatendhe kundorara pamatendhe. Joshuwa aifumomuka rungwanani, vapristi votakura bhokisi raTenzi rechitenderano, vapristi vanomwe vaya vehwamanda nomwe dzenyanga dzehondohwe, vaienda mberi kwebhokisi raTenzi rechitenderano, vachingoridza chete hwamanda. Varume vainge vakapakata zvombo zvehondo vaifamba vari mberi kwavo, shurewo kwebhokisi raTenzi rechitenderano kuchitevera vokuchengetedza shure, iyo ngondo yehwamanda ichingodandaura chete. Nezuva rechipiri vakafamba vachitenderera guta iroro kamwechete, vakadzokera kumatendhe. Ndozvavakaita kwamazuva matanhatu. Pazuva rechinomwe vakamuka mambakwedza, vakafamba vachitenderera guta irori sezvavaichiita zvimwechetezvo kanomwe. Asi musi iwoyu chete ndiwo wavakatenderera guta iri kanomwe. Vakati zvino vatenderera kechinomwe, vapristi varidzawo hwamanda, Joshuwa akati kuvanhu “Daidzirai nokuti Tenzi aisa guta irori mumaoko enyu.

