Joshuwa 10
10
G: KUKUNDWA KWAMADZIMAMBO MASHANU AVAAMORI
1Adhonizedheki mambo weJerusaremu akanzwawo kuti Joshuwa akatora guta reAi rikava mumaoko ake, uye kuti akanga anyatsoriparadza achinzwawo kuti Joshuwa akaita kuguta reAi namambo waro zvaakanga aita kuguta reJeriko namambo waro. Akanzwawo kuti vanhu vokuGibheoni vakanga vava kutowirirana zvavo navaIsiraeri uye kuti vava kutogarisana navo savavakidzani. 2Zvakamutyisa zvikuru nokuti guta reGibheoni raiva guta guru kwazvo, rakatoita seguta guru ramambo, rakakura zvokupfuura guta reAi. Varume vose vomo vakanga vari mvumba chaidzo dzokurwa hondo. 3Naizvozvo Adhonizedheki mambo weJerusaremu akatuma nhume kuna Hohamu, mambo weHebhuroni, nokuna Piramu, mambo weJarimuti, nokuna Jafia, mambo weRakishi, nokuna Dhebhiri, mambo weEgironi achiti, 4“Uyai muzondibatsirawo tirwise guta reGibheoni nokuti rakatowirirana zvaro naJoshuwa navaIsiraeri.” 5Madzimambo mashanu iwaya avaAmori aiti mambo weJerusaremu namambo weHebhuroni, namambo weJarimuti namambo weRakishi namambo weEgironi vakaunganidzana ndokukwira nehondo dzavo dzose kundokomberana kurwisa guta reGibheoni.
6Vanhu vokuGibheoni vakatuma nhume kuna Joshuwa kuGirigari kwavakanga vakadzika matendhe vachiti, “Matiregerera kuno isu varanda venyu. Uyai kuno nokukurumidza muzotinunura, mutibatsirewo nokuti madzimambo ose avaAmori vanogara munyika yamakomo vakokorodzana kuzotirwisa.”
7Joshuwa akabva kuGirigari akakwira ikoko. Akaendako nehondo yake yose, varume vose vaya vaiva mvumba dzokurwa hondo. 8Tenzi akati kuna Joshuwa, “Usambovatya zvako nokuti ndatovaisa mumaoko ako. Hakuna nomumwe wavo achagona kumirisana newe.” 9Joshuwa akaerekana ati pfacha kusvika pavari, avavinga kubva kuGirigari nousiku. 10Tenzi akavapinza mweya wokutya vaIsiraeri. VaIsiraeri vakavaita murakatira kuuraya paGibheoni ipapo vakavadzingirira kusvikira kumukwidza weBhetihoroni vachingovakatakazha kudzamara vasvika kuAzeka nokuMakedha. 11Pavaingunotiza vaIsiraeri kudai, voteremuka zvino nomutenure weBhetihoroni, Tenzi akanayisa mhitsa dzechivhuramahwe pavari kusvikira kuAzeka, vakafa. Vanhu vakaurayiwa nechivhuramahwe ichi vakanga vakawanda kupfuura vanhu vakaurayiwa navaIsiraeri namapakatwa.
12Pazuva iroro rakaiswa vaAmori mumaoko avaIsiraeri naTenzi, Joshuwa akataurira Tenzi vaIsiraeri vachinzwa achiti,
“Iwe zuva pano paGibheoni iti mbikiti kumira,
newe mwedzi iti ndi kumira padunhu rino reAjaroti.
13Zuva rakati mbikiti kumirapo.
Mwedzi ukatiwo ndi kumira
kusvikira vaIsiraeri vapedza
vavengi vavo kutsividza.”
Handiti izvozvi zvakanyorwa muBhuku raJashari here? Zuva rakaramba rakati mbikiti panguva yarinorova nhongonya, rikarega kukurumidza kudoka, kwezuva rose. 14Hakuna kumbova nezuva rakadai kubvira pasi chigare kana shure kwaizvozvo rokuti Tenzi akateerera munhu, nokuti Tenzi akarwira vaIsiraeri. 15Joshuwa akadzokera zvake navaIsiraeri vose vaaiva navo kumatendhe kuGirigari.
Madzimambo mashanu avaAmori anourayiwa naJoshuwa
16Madzimambo iwayo mashanu akatiza akandohwanda mubako rokuMakedha. 17Joshuwa akaudzwa kuti, “Madzimambo mashanu aya awanikwa akahwanda mubako rokuMakedha.” 18Joshuwa akati, “Kungurutsirai mabwe makuru pamuromo webako iroro, mugoisa vanhu vanogaririra ipapo. 19Asi imi pachenyu regai kumirapo, rondai vavengi venyu, vateverei muchivarwisa, vanenge vasarira muchiuraya, musavarege vachindopinda mumaguta avo nokuti Tenzi Mwari wenyu avaisa mumaoko enyu.” 20Kuzoti Joshuwa navaIsiraeri vapedza kuvauraya vachivaita murakatira kusvikira vanhu ava vaparadzwa, uye kusvikira chitsama chakasara chandopinda mumaguta akanga aine tsvingo, 21vanhu vose vakadzokera zvakanakanaka kuna Joshuwa kumatendhe avo kuMakedha. Hakuna kuwanika munhu ane chaakati bufu kuvaIsiraeri.
22Joshuwa akati, “Chizarurai bako muburitse madzimambo mashanu aya, muuye navo kwandiri.” 23Vanhu vakaita izvozvo, vakaunza kwaari madzimambo mashanu aya kubva mubako aiti mambo weJerusaremu namambo weHebhuroni, namambo weJarimuti namambo weRakishi namambo weEgironi. 24Pavakaburitsa madzimambo aya vakauya navo kuna Joshuwa. Joshuwa akadaidza vaIsiraeri vose akati kuvakuru vakuru vose vehondo vaakanga aenda navo, “Uyai pano mutsike netsoka dzenyu mutsipa yamadzimambo iwaya.” Vakauya vakatsika mitsipa yamadzimambo aya. 25Joshuwa akati kwavari, “Musatye zvenyu kana kuzeza, shingai mutsunge mwoyo nokuti ndizvo zvichaita Tenzi kuvavengi venyu vose vamucharwisa.” 26Joshuwa akabva avaponda vakafa akavasungirira mumiti mishanu. Vakaswera vakaremberapo kusvikira manheru. 27Kuzoti zuva rodoka Joshuwa akati vatururwe pamuti paya ndokuvakanda mubako muya mavakanga vahwanda ndokuisa mabwe pamuromo waro achiripo kusvikira pari nhasi.
Dzimwezve nyika dzavaAmori dzokumaodzanyemba dzinokurirwa naJoshuwa
28Pamusi iwoyo Joshuwa akatora guta reMakedha rikava mumaoko ake. Akariparadza nebakatwa, iro namambo waro. Akanyatsoparadza vanhu vose zvavo vakanga varimo. Hapana kana munhu mumwechete waakasiyamo. Akaita kuna mambo weMakedha zvaakaita kuna mambo weJeriko.
29Joshuwa akabva kuMakedha navaIsiraeri vose vaaiva navo akaenda kuguta reRibhuna, akarirwisa. 30Tenzi akaisawo guta iroro namambo waro mumaoko avaIsiraeri. Vakauraya vanhu vaivamo vose zvavo namapakatwa. Hapana kana munhu mumwechete wavakasiyamo. Vakaita kuna mambo waro sezvavakanga vaita kuna mambo weJeriko.
31Joshuwa akabva kuRibhuna navaIsiraeri vose vaaiva navo akadimura oenda kuguta reRakishi. Vakarikomba vakarirwisa. 32Tenzi akaisa guta reRakishi mumaoko avaIsiraeri. Vakaritora pazuva rechipiri, vakaparadza guta iroro vakauraya vanhu vaivamo vose zvavo namapakatwa sezvavakaita kuguta reRibhuna. 33Horamu mambo weguta reGezeru akauya kuzobatsira vokuRakishi. Joshuwa akamuuraya, iye navanhu vake, kusara pasisina asara.
34Joshuwa akabva kuRakishi navaIsiraeri vose vaaiva navo akadimura oenda kuguta reEgironi. Vakarikomba, vachirirwisa. 35Musi iwoyo vakaritora rikava mumaoko avo. Vakaparadza guta iri vakanyatsouraya nebakatwa vanhu vaivamo vose zvavo musi wakarewo sezvavakaita kuguta reRakishi.
36Joshuwa akabva kuEgironi navaIsiraeri vose vaaiva navo vakaenda kuguta reHebhuroni, vakabva varirwisa. 37Vakaritora rikava mumaoko avo. Vakaparadza guta iroro nebakatwa namambo waro nemisha yaro. Vakauraya munhu wose akanga arimo. Hapana kana munhu mumwechete zvake wavakasiyamo. Vakanyatsoriparadza vakauraya munhu wose zvake akanga arimo sezvavakaita kuguta reEgironi.
38Joshuwa akadzokera navaIsiraeri vose vaaiva navo kuDhebhiri, vakarirwisa. 39Vakaritora rikava mumaoko avo, iro namambo waro nemisha yaro yose. Vakauraya namapakatwa vanhu vaivamo vakanyatsouraya vanhu vose vaivamo. Hapana wavakasiyamo. Zvavakaita kuguta reHebhuroni namambo waro ndozvavakaitawo guta reDhebhiri namambo waro.
40Saka Joshuwa akakurira nyika yose zvayo inoti: nyika yamakomo neNegevhu nenyika yokumanhika namateru ayo. Akakurirawo madzimambo ose enyika idzodzo. Hapana kana munhu mumwechete zvake waakasiya, asi akatouraya vose zvokusambosiya kana chinhu chipenyu zvacho, sokureva kwakaita Tenzi Mwari wavaIsiraeri. 41Joshuwa akakurira vanhu kubvira kuKadheshibharinea zvichienda nokuGaza nenyika yose yeGosheni kusvikira kuGibheoni. 42Joshuwa akakurira madzimambo ose iwaya, nyika dzawo dzikava mumaoko ake nenguva imwecheteyo nokuti Tenzi Mwari wavaIsiraeri, aivarwira. 43Joshuwa akazodzokera navaIsiraeri vaaiva navo kwavakanga vakadzika matendhe kuGirigari.
Zvasarudzwa nguva ino
Joshuwa 10: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

: