Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremiya 1:1-19

Jeremiya 1:1-19 SCLB

Aya ndiwo mazwi aJeremiya mwanakomana waHirikiya mumwe wavapristi vaiva muguta reAnatoti munyika yokwaBhenjamini. Shoko raTenzi rakauya kwaari mumazuva aJosiya, mwanakomana waAmoni, mambo wokwaJudha, muri mugore regumi nechitatu rokutonga kwake. Rakauya mumazuvawo aJehoyakimu mwanakomana waJosiya, mambo wokwaJudha kudzamara kumagumo kwegore regumi nechiposhi rokutonga kwaZedhekiya mwanakomana waJosiya, mambo wokwaJudha, kusvikira pakutapwa kweJerusaremu mumwedzi wechishanu wacho. Shoko raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Ndisati ndambokuumba mudumbu ramai, ndaitokuziva, usati waberekwa ndakakutsaura. Ndakakureresa ndakakusarudza somuporofita kumarudzi avanhu.” Ini ndokuti, “AA! Nhai Tenzi Mwari! Tarisai muone kuti ini handikwanisi kutaura nokuti ndiri muduku!” Asi Tenzi akati kwandiri, “Rega kuti ndiri muduku, nokuti kune vose vandinenge ndakutuma unofanira kuenda uye zvandinenge ndakuudza unofanira kutaura. Rega kuvatya nokuti ini ndinenge ndinewe kuzokununura. Ndozviri kutaura Tenzi.” Tenzi akabva atambanudza ruoko rwake akabata muromo wangu Tenzi akati kwandiri, “Chinzwa unzwe, ndaisa mazwi angu mukanwa mako. “Chiona, nhasi uno ndakupa masimba pamusoro pamarudzi namadzimambo okudzipura nookupaza, okuparadza, nookukurira okuvaka nookusima.” Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Jeremiya, chii chauri kuona?” Ini ndakati, “Ndiri kuona bazi romuarimondi.” Tenzi ndokuti kwandiri, “Waona zvazviri, nokuti ini ndiri kutarisa kuti shoko rangu rakazadzikiswa.” Izwi raTenzi rakazouyazve kwandiri richiti, “Chii chauri kuona?” Ini ndakati, “Ndiri kuona hari iri pamoto iri kuvira yakafuratira kuchamhembe.” Tenzi akati kwandiri, “Kuchamhembe uku kuchabva nhamo ichawira vagari vose venyika ino. Ndinodaro nokuti zvamunoona, ndava kuzodaidza ndudzi dzavanhu vamadzimambo oKuchamhembe, ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Vanhu ivavo vachauya, mumwe nomumwe wavo agogadzikira chigaro choumambo hwake kwokupinda nako pamisuo mikuru yeguta reJerusaremu vagokomberedza masvingo eJerusaremu uye vagokomberana maguta ose zvawo okwaJudha. Ndichavatemera chirango chezvakaipa zvavo zvose zvokundifuratira kwamakaita vachipisira vamwe vamwari rusenzi nokupfugamira mabasa avanoita namaoko avo. Asi iwe wochisunga dzisimbe usimuke uvataurire zvose zvandinokuudza. Rega kuvatya, ukavatya ndinokuita mbwende pamberi pavo. Tarisa uone, nhasi uno, ini iyeni ndakuita guta retsvingo, nomusimboti wesimbi chaiwo, namasvingo endarira kurwisana nenyika ino yose zvayo namadzimambo okwaJudha namachinda ayo navapristi vayo navagari vayo. Vachakurwisa asi havazokukurira nokuti ini ndinewe ndichazokununura, ndizvo zviri kutaura Tenzi.”

Verenga chikamu Jeremiya 1