Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Hosea 13:1-16

Hosea 13:1-16 SCLB

Painge vokwaEfuremu votaura, vanhu vaidedera, vairemekedzwa kwazvo muIsiraeri asi vakapara mhosva, pamusana paBhaari, vakafa. Iye zvino vari kungoramba vachipara zvitadzo pamusoro pezvimwe; vari kuzviumbira zvifananidzo zvesimbi, zvifananidzo zvokunamata zvakanyatsogadzirwa zvesirivha zvose zviri zvinhu zvakaitwa namaoko avanhu vachitoti kuvanhu, “Pirai zvibayiro kune zvizvi,” vanhu vachitotsvoda zvimhuru. Naizvozvo vachangoita semhute yamangwanani; kana sedova risingatani kupera, sehundi inondimuka paburiro, kana kuti soutsi hunobuda napahwindo. “Ndini Tenzi, Mwari wako kubvira kunyika yeIjipiti. Hakuna mumwe Mwari waunoziva kusiya ini, kunze kwangu hakunazve mumwe muponesi. Ini ndini ndaikuchengeta murenje munyika yakaoma. Ndakakufudzai mukaguta. Pamakanga maguta, makabva mapindwa nomwoyo wokuzvikudza mukabva mandikanganwa. Saka ndichava seshumba kwavari, ndichavahwandira munyasi menzira sembada. Ndichavawira sebere rabvutirwa vana varo. Ndichavatsemura dundundu ndigovazhanya seshumba sokubvamburwa kwavangaitwe nechikara chesango. “Ndakakuparadzai, imi vaIsiraeri ndiani achakununurai? Zvino iye mambo wenyu aripiko kuti akuponesei? Machinda enyu ose aripiko kuti akudzivirirei? Ivo vamaiti, ‘Tipeiwo mambo namachinda.’ Ndakakupai madzimambo ndakashatirwa nehasha, ndikavabvisawo nehasha. “Uipi hwevokwaEfuremu hwakapfundirwa, chitadzo chavo chakachengetwa mupfimbi. Zvaita semimba yarwadza yokuberekwa kwavo, mwana wacho oita zungairwa otadza kuuya kumusuo wedumbu. Ndovanunura here mumaoko menzvimbo yavachakabvu? Ndovanunura here kurufu? Nhai rufu nhamo dzaunoonesa dziripiko? Nhai nzvimbo yavachakabvu kuparadza kwako kuripiko? Zvetsiyenyoro handichisina. Kunyange zvazvo akapasa setsanga dutu rokumabvazuva dutu raTenzi richauya richatutuka kubva kurenje; chitubu chavo chichaoma kuti papata, chisipiti chake chichaoma kuti gwa. Richarozva upfumi hwavo nechose zvacho chakakosha. Samaria ichapfukirwa nemhosva yayo nokuti yakapandukira Mwari wayo. Vacharakatiswa kufa nehondo yepfumo, pwere dzavo dzichipwatitsirwa pasi madzimai avo akazvitakura achitumburwa.”

Verenga chikamu Hosea 13