Asi Mosesi akati kuna Mwari, “Pangu pano! Ndiri aniwo zvangu ndingabva ndaenda kuna Farao kundoburitsa vaIsiraeri muIjipiti?”
Mwari akati, “Ini ndichava newe. Hechino chiratidzo chinoratidza kuti ndini ndakutuma. Kana wandoburitsa vanhu vangu muIjipiti, muchauya monamateni Mwari pano pagomo rino irori.”
Mosesi ndokuti kuna Mwari, “Hongu kuenda kuvaIsiraeri ndingaende zvangu ndichisvikovaudza kuti Mwari wamadzibaba enyu andituma kwamuri. Ko vakandibvunza kuti, ‘Zita raMwari iyeyo ndiani?’ Ndichavapindura ndichiti kudii?”
Mwari akapindura Mosesi achiti, “Ndiri iye wandiri. Unofanira kutaurira vaIsiraeri kuti, ndiri ndiye andituma kwamuri.”
Mwari akataurirazve Mosesi achiti, “Unofanira kutaurira vaIsiraeri kuti, ‘Tenzi, Mwari wamadzitateguru enyu, Mwari waAbhurahamu, Mwari waIsaki, Mwari waJakobho andituma kwamuri.’ Iri ndiro zita rangu narini narini. Zvizvarwa zvenyu zvose zvichandidaidza nezita irori.
“Enda undokokorodza vakuru vakuru vevaIsiraeri uvati, ‘Tenzi Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahamu naIsaki naJakobho, akazviratidza kwandiri. Akati ndakakushanyirai ndikaongorora zvose zvamuri kuitwa navaIjipiti.’ Ndinotsidza kuti, ‘Ndichakuburitsai muIjipiti mamuri muuranda ndichikuendesai kunyika yakanaka inoerera mukaka nouchi, kunyika yavaKanani navaHiti navaAmori navaPerizi navaHivhi navaJebhusi.’
“VaIsiraeri vachateerera zvaunoreva. Iwe navakuru vakuru vevaIsiraeri mozoenda kuna mambo weIjipiti, mundoti, ‘Tenzi, Mwari wavaHebheru, akasangana nesu. Saka tinokumbira kuti mutibvumirewo kufamba rwendo rwamazuva matatu murenje, kundopira Tenzi, Mwari wedu mupiro.’ Ndinoziva zvangu kuti mambo weIjipiti haakubvumirei kuti muende, kusatoti aita zvokumanikidzwa. Naizvozvo ini noruoko rwangu ndichatoita zvokushandisa simba ndichirova Ijipiti namanenji ose andichaita mukati mavo. Mambo ndopaachazobvuma kuti muende zvenyu.
“Ndichaita kuti vaIjipiti vakuitirei zvakanaka, nokudaro pamunozoenda, hamuzoendi musina chamunacho. Ipapo mudzimai mumwe nomumwe ngaakumbire zvishongo zvesirivha nezvendarama nehanzu apiwe nomudzimai wechiIjipiti waanogarisana naye mumba kana pamana, apfekedze vana vake vose zvinhu izvozvo. Ndiko kupamba kwamuchaita upfumi hwevaIjipiti.”