Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 3:19-28

Dhanieri 3:19-28 SCLB

Nebhukadhineza akaviruka nehasha ndokushanduka otsvukisira meso Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego. Akati moto ukuchidzirwe vira ripise kwazvo kakapetwa kanomwe kupfuura zvarinochiita. Akatuma vamwe varume vaiva magamba chaiwo ehondo yake yavarwi kuti vasunge mbiradzakondo vanaShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego akati vavakande muvira romoto unopisa. Varume ivava vakasungwa vakapfeka hanzu dzavo kudaro nemajasi avo nenguwani dzavo dzoukuruukuru namagemenzi avo nedzimwe hanzu dzavo vakabva vakandwa muvira racho remoto unopisa kwazvo. Pamusana pokuti chirevo chamambo chakanga chakaoma kwazvo, vira rakapoorerwa kwazvo moto, rimi romoto rikauraya varume vaye, magamba vakanga vakatakura Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego. Varume vatatu ivava vanaShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakawira muvira romoto unopisa vakasungwa kudaro. Mambo Nebhukadhineza akashamiswa akabva ati nyamu kusumuka ndokuti kumakurukota ake, “Nhaimi hatina here kukanda muvira umu, varume vatatu vakasungwa mbiradzakondo?” Vanhu vakapindura mambo vachiti, “Ndizvozvo chaizvo mambo!” Iye ndokuti, “Asi ini ndiri kuona varume vana vasina kusungwa vari kutofamba zvavo mumoto imomu vasina kukuvara. Kutarisika kwewechina wacho, kunenge kwemwanakomana wamwari.” Nebhukadhineza akabva aenda pedyo nomusuo wevira riya romoto unopisa akati, “Shadhiraki! Meshaki! Abhedhinego! Imi varanda vaMwari Wokumusorosoro, chibudai muuye pano!” Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakabuda zvavo mumoto. Madzishe navatungamiriri namasadunhu namakurukota amambo vakaunganidzana pamwechete. Vakaona kuti simba romoto harina kugona kukurira muviri wavarume ivavo, vhudzi ravo mumusoro risina kana kumbobvuraudzwa pasina chaitika, vasingambonhuwa moto. Ipapo Nebhukadhineza akati, “Ngaarumbidzwe Mwari waShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego, iye watuma mutumwa wake akanunura varanda vake, vakavimba naye akashaisa basa chirevo chamambo. Vakaisa miviri yavo parumano vachisarudza kufa pano kuti vanamate vachipfugamira mumwewo mwari zvake asi kuti kunamata Mwari wavo.

Verenga chikamu Dhanieri 3