Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 4:29-35

Mabasa 4:29-35 SCLB

Zvino, Tenzi chitarisai kutyisidzira kwavo, mupe kuti varanda venyu vataure shoko renyu nechivindi chaicho imi makasimudza ruoko rwenyu kuti rurape uye muitewo kuti zviratidzo nezvishamiso zviitwe nezita romuranda wenyu mutsvene, Jesu.” Pavakapedza kunamata nzvimbo yavakanga vakaungana yakandengendeka vakabva vazadzwa vose naMweya Mutsvene vakataura izwi raMwari nechivindi. Chikwata chevaitenda vaya vakanga vaine mwoyo mumwechete uye hapana aiti chake ndechake. Zvinhu zvavo zvaiva zvavo vose. Vapositori vakapupurira zvokumuka kwaTenzi Jesu nesimba guru, uye nyasha huru dzaiva pavari vose. Pakati pavo pakanga pasina ane chaaishaya nokuti avo vainge vaine minda kana dzimba dzavo vaizvitengesa vachiuya nemari yacho vachizoiisa mumaoko avapositori zvichizogoverwa kuvanhu maererano nezvaidiwa nomunhu.

Verenga chikamu Mabasa 4