2 Madzimambo 12:18
2 Madzimambo 12:18 SCLB
Jehoashi mambo wokwaJudha akatora mipiro yose yakanga yaturirwa kuna Mwari yezvinhu zvakatsidzirwa kupa Mwari naJehoshafati naJehoramu naAhaziya, madzibaba ake madzimambo okwaJudha pamwechete nemipiro yake yaakanga akatsidzirawo kupa Mwari uye nendarama yose yaiva mokuchengetera upfumi hwemba yaTenzi neyemumuzinda wamambo. Akatumira zvose izvozvi kuna Hazaeri mambo weSiria. Hazaeri ndokubva asiya Jerusaremu oenda zvake.

