Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 28

28
1Pamazuva iwayo vaFirisitia vakakokorodza hondo dzavo kundorwisa Isiraeri. Akishi akataurira Dhavhidhi achiti, “Unozvizivaka kuti iwewe navanhu vako mucharwa muri kudivi rokwangu.”
2Dhavhidhi akapindura Akishi achiti, “Zvakanaka, muchangoonawo zvenyu zvandichaita ini muranda wenyu.” Akishi akati kuna Dhavhidhi, “Heekaka! Ndichakuita muchengeti wangu narini narini.”
Sauro nomukadzi wokuEndori aisvikirwa
3Izvozvo Samueri akatenge afa, vaIsiraeri vamuchema vatomuviga kuRama, guta rokwake. Saurowo akanga adzinga munyikamo n'anga navanosvikirwa. 4VaFirisitia vakakokorodzana vakasvikodzika matendhe avo kuShunemu. Sauro akaunganidzawo vaIsiraeri vose vakadzika matendhe avo kuGiribhoa. 5Sauro paakaona hondo yavaFirisitia akadedera kwazvo nokutya. 6Akada kunzwa kuti Tenzi anoti kudii nazvo, asi Tenzi haana kumupindura kana muzviroto kana neurimu kunyange nokuvaporofita. 7Sauro akati kuvaranda vake, “Nditsvakirei mukadzi anosvikirwa ndiende kundobvunzira kwaari.” Ivo vakati, “Kuno mumwe anosvikirwa ari kuEndori.”
8Naizvozvo akapfeka dzimwe hanzu kuti asaziikanwe ndokuenda nousiku kumukadzi iyeyo aine vamwe varume vaviri. Akati, “Ndibvunzireiwo vari kumhepo mundidaidzirewo wandinenge ndadoma nezita.”
9Mukadzi uyu akamuti, “Inga kana nemi munonyatsozviziva wani zvakaitwa naSauro. Handiti akaparadza n'anga navanosvikirwa munyika ino. Ko seiko muchida kuteya upenyu hwangu kuda kundiurayisa zvenyu?”
10Sauro, akapika kwaari naTenzi achiti, “NaTenzi chaiye mupenyu hamumbofa makarangirwa izvozvi izvi.”
11Mukadzi ndokuti, “Zvino ndokudaidzirai ani?” Iye akati, “Ndidaidzireiwo Samueri.”
12Mukadzi uyu paakaona Samueri, akachema, akati kuna Sauro, “Ko mandinyengedzereiko kudai! Inga ndiwe Sauro wani.”
13Mambo akamuti, “Rega zvako kutya, chete chauri kumboona chii?” Mukadzi akati kuna Sauro, “Ndiri kuona mumwe mudzimu uri kunyuka pasi.”
14Akati kwaari, “Chimiro chawo chakadii?” Mukadzi uyu ndokuti, “Murume, harahwa iri kunyuka yakafukidzwa gemenzi.” Sauro akabva aziva kuti ndiSamueri, akakotamisa uso ndokumugwadamira.
15Samueri akati kuna Sauro, “Ko wandinetsereiko nokundidaidza?” Sauro akati, “Ndapinda pfumvu chaiyo ini nokuti vaFirisitia vari kundirwisa, ukuwo Mwari andifuratira. Haachambondipa mhinduro kunyange navaporofita kana muzviroto. Ndokusaka ini ndakudaidzai kuti mundiudze zvokuita.”
16Samueri ndokuti, “Kana Tenzi akakufuratira kudaro akava mhandu yako, ko ini unogondibvunzireiwo? 17Tenzi pachake ari kuita kwauri sokutaura kwaakaita nomuromo wangu nokuti Tenzi akabvarura umambo kwauri akahupa mumwe wako, Dhavhidhi. 18Chiripo ndechokuti hauna kuteerera Tenzi. Wakarega iwe kutsividza vaAmereki kuvaratidza hasha dzake dzinotyisa, ndokusaka Tenzi aita izvozvi kwauri nhasi uno. 19Chimwezve ndechokuti Tenzi achaisa vaIsiraeriwo pamwechete newe mumaoko avaFirisitia. Mangwana chaiwo iyewe navana vako vakomana muchange muineni. Tenzi achaisawo hondo yeIsiraeri mumaoko evaFirisitia.”
20Pakarepo Sauro akati pasi rabada nokutya zvakataurwa naSamueri. Simba rake rakanga rapera nokuti akanga apedza muswere wose iwoyo nousiku ihwohwo hwose asina chaadya. 21Mukadzi uyu akaenda pana Sauro, paakaona kuti zvakanga zvamutyisa kwazvo akamuti, “Chinzwai, ini ndambokuteererai. Ndamboita zvokutobatira ura mumaoko ini muranda wenyu, ndikateerera zvamandiudza. 22Zvino chimbonditeereraiwo ini muranda wenyu, ndimbokuunzirai kachingwa mudye mukoke simba mugoenda zvenyu.”
23Sauro akaramba achiti, “Zvokudya, aiwa. Asi varanda vake nomukadzi uyu vakamunyengetedza ndokubva azovateerera zvake. Ipapo akamuka pasi, akagara pamubhedha. 24Mukadzi uyu aiva nemhuru yaingunokodzwa mumba. Pakarepo akabva angoiuraya akatora upfu kwekoroni akahukanya ndokubva abika chingwa chisina mbiriso.”
25Akazvipa kuna Sauro navaranda vake vakadya. Vakazosimuka ndokuenda zvavo usiku ihwohwo.

Zvasarudzwa nguva ino

1 Samueri 28: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda