Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 5:1-18

1 Madzimambo 5:1-18 SCLB

Hiramu mambo wokuTire paakanzwa kuti vakagadza Soromoni umambo panzvimbo yababa vake, akatuma makurukota ake kwaari nokuti Hiramu uyu, chigariro chake chose akanga achinzwanana naDhavhidhi. Soromoni akatumirawo Hiramu shoko rokuti, “Munozvizivawo kuti baba vangu Dhavhidhi havana kuzokwanisa kuvaka imba yokuisa zita raTenzi, Mwari wavo pamusana pedzihondo dzaiva dzakavakomba kumativi ose. Zvaitozoitika Tenzi aisa vavengi vavo pasi petsoka dzavo. Asi pari zvino, Tenzi akandipa runyararo kumativi ose, hakusisina kana mhandu zvayo kunyange chimwe chakaipa zvacho. Zvino ndanga ndati ndichivakira Tenzi, Mwari wangu imba yokuisa zita rake sokureva kwakaita Tenzi kuna baba vangu Dhavhidhi achiti, ‘Mwanakomana wako wandichaisa pachigaro chako choumambo panzvimbo pako ndiye achandivakira imba yacho yokuisa zita rangu.’ Zvino dai mati vashandi venyu vanditemerewo miti yemisidhari yokuRebhanoni. Vashandi vangu vachashanda pamwechete nevashandi venyu. Ini ndichakubhadharai mari yokutambirisa vashandi venyu sokutema kwamunenge maita. Sokuzivawo kwamunongoita isu hatina munhu anoziva kutema miti sezvinoita vaSidhoni.” Pakasvika shoko raSoromoni munzeve dzaHiramu akafara kwazvo akati, “Tenzi ngaarumbidzwe adai nhasi kupa Dhavhidhi mwanakomana ano ungwaru kuti atonge rudzi rwavanhu uru rukuru kudai.” Hiramu akadzorawo shoko kuna Soromoni achiti, “Shoko ramakanditumira ndakarinzwa. Zvamakareva panyaya yemapango omusidhari neemusaipurasi ndozvandichaita. Vashandi vangu vachaabvisa kuRebhanoni vachindoaisa kugungwa. Ndichaasunga masvinga masvinga agoita zvokuyeredzerwako nomugungwa asvikire kwamunenge muchida. Ikoko ndokwandichazoasunungura moatorerako zvenyu. Chandingadewo kwamuri kuti mundipirewo chokudya vomumuzinda mangu.” Saizvozvo Hiramu aipa Soromoni mapango ose aaida omusidhari neemusaipurasi. Soromoni aipawo Hiramu masaga ekoroni makumi mana ezviuru echokudya chomumuzinda make pamwechete namafuta eorivhi okusvina anokwana mazana mana ezviuru zvamarita. Soromoni aipa Hiramu izvozvi izvi gore negore. Tenzi akapa Soromoni uchenjeri sokumuvimbisa kwaakanga aita. Soromoni naHiramu vainzwanana vakatosvika pakuita chibvumirano pauviri hwavo. Mambo Soromoni akati muIsiraeri mose munyorwe vanhu vebasa rechibharo kukawanikwa varume makumi matatu ezviuru vebasa racho rechibharo. Akavatumira kuRebhanoni. Aivatumira vari muchikwata chine vanhu gumi rezviuru pamwedzi woga woga. Vaipedza mwedzi vari kuRebhanoni mimwe miviri vaipedzera vari kumusha. Adhoniramu ndiye aiva mukuru mukuru wokuona nezvebasa rechibharo. Soromoni aivawo namakumi manomwe ezviuru zvevatakuri vezvinhu navavezi vamatombo makumi masere ezviuru zvavanhu vaiva kunyika yokumakomo. Soromoni aivawo navakuru vakuru vokutungamirira basa vaitarisa vanhu vaishanda basa irori vaikwana zviuru zvitatu zvine mazana matatu. Mambo akapa chirevo, ivo vakakwakwanura mazibwe anokosha okuvakisa ugaro hwemba yacho namabwe akavezwa. Naizvozvo vavaki vokwaSoromoni nevokwaHiramu navarume vokuGebhari ndivo vaitema miti nokuveza mapango namabwe okuvakisa imba yacho.