Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 1:1-15

1 Madzimambo 1:1-15 SCLB

Mambo Dhavhidhi paakanga achembera, makore ake aendedzana, kunyange zvazvo vaimufukidza namagumbeze, akanga asisanzwe kudziya. Nokudaro makurukota ake akati kwaari, “Mambo changamire, dai patsvakwa musikana, mhandara, ive yokushandira mambo nokumuchengeta, avate pedyo nechifuva chenyu kuti munzwe kudziya, mambo changamire.” Saizvozvo vakabva vatsvaka musikana, mhandara, ino, yakanaka munyika yose yeIsiraeri. Vakawana Abhishagi wokuShunamu, vakauya naye kuna mambo. Mhandara iyoyi yakanga yakanaka kwazvo. Ndiye akabva ava wokuchengeta mambo nokumushandira. Asi mambo haana kuzivana naye. Adhoniya mwanakomana womukadzi ainzi Hagiti akazvikudza achiti ndinoda kuva mambo, akazvigadzirira ngoro dzehondo navachayiri navanhu makumi mashanu vokumhanya vari mberi kwake. Baba vake havana kumbenge vambomutsiudza zvavo vachiti, “Unoitirei zvauri kuita izvi?” Iyeyu akanga akanakawo kwazvo chimiro uye ndiye aitevedzera Abhusharomu. Akataurirana naJoabhu mwanakomana waZeruya nomupristi Abhiyatari. Vakabvuma kubatsirana naAdhoniya. Asi mupristi Zadhoki naBhenaya mwanakomana waJehoyadha nomuporofita Natani naShimei naRei nemagamba ehondo aiva naDhavhidhi haana kuwirirana naAdhoniya. Adhoniya akapira zvibayiro zvehwai nemombe namagondora akakodzwa ari kuDombo reNyoka pedyo nokuEnirogeri. Akakokako vakomana navanun'una vake vose, vanakomana vamambo nevokwaJudha vose vaiva makurukota amambo. Asi haana kukoka muporofita Natani kana Bhenaya kunyange magamba aye omuhondo kana Soromoni. Natani vakabvunza Bhatishebha amai vaSoromoni kuti, “Hamuna kunzwa here kuti Adhoniya mwana waHagiti atova mambo asi changamire wedu Dhavhidhi havasi kumbozviziva. Saka zvino chiregai ndikupei zano muzviponese upenyu imi nomwana wenyu Soromoni. Ibvai maenda kuna mambo Dhavhidhi mumuti, mambo changamire, hamuna here kunditsidzira ini muranda wenyu kuti Soromoni mwana wako ndiye achatonga mushure mangu, achizogara pachigaro changu choumambo? Ko zvauya sei kuti Adhoniya ava kutonga? Paunenge uchitaura namambo kudaro ndipo pandinobva ndatevera mushure ndozotsinhira mazwi ako.” Saka Bhatishebha akaenda kuna mambo mumba make. Izvozvo mambo akanga ava Harahwa chaiyo, Abhishagi muShunami ndiye aichengeta mambo ivava.